VaTsvangirai Vanoti Mutemo Wekupa Vatema Hupfumi Uri Kugadziriswa

  • Thomas Chiripasi

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mutemo we indigenization and economic empowerment act uri pakati pekuvandudzwa kuitira kuti veruzhinji vawave cheuviri muhupfumi hwenyika, kwete kuti vakapfuma kare vawane hupfumi vega. VaTsvangirai vataura izvi pamusangano we Zimbabwe National Chamber of Commerce, kana kuti ZNCC. Musangano uyu wanga uri wekutsvaga nzira dzokusimudzira zvemabhizimusi mu Zimbabwe pamwe ne Africa yose..

VaTsvangirai vati kuvandudza kwavari kuita mutemo uyu, kune chinangwa chokuti veruzhinji vawane chouviri, kwete kuti vapfumi vashoma vagute voga.

Vati mumutemo uyu, makambani anenge achitarisirwa kuti ave nemutemo inotaura nezvemasheya zvichienderera nokuti ibande ripi rehupfumi hwenyika, kwete zvokuti mapande ose angonzi anofanira kupa zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuzvizvarwa zveZimbabwe, vekunze vachiwana zvinenge zvasara.

Vati hurumende iri kuedza kuti iumbe mitemo inoita kuti vanoda kusima mari munyika vaite izvi vasina matyira.

Mutungamiri weZNNC, VaObert Sibanda, vati vemambhizimusi vakatarisana nematambudziko akawanda, ayo anosanganisira kushayikwa kwemagetsi, kuipa kwenzira, kushaya zvokushandisa pamwe nezvimwe zvakadaro.

Asi VaTsvangirai vati hurumende yemubatanidzwa iri kushanda zvakawomarara kugadzirisa zvose zviri kunetsa vemabhizimusi.

Vachipindura mibvunzo yevanhu vanga vari pamusangano uyu, VaTsvangirai vatiwo Zimbabwe yakawana mari inoita mamirioyoni mazana manomwe emadhora ekuAmerica gore rapera ichibva kune zvzvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvaisima mari yazvo muZimbabwe. Asi vati kubva pakadzikwa mutemo uyu, hapana kana ari kuwunza mari munyika.

VaTsvangirai vaudzawo musangano uyu kuti rarudzo dzichaitwa kana paitwa referendamu yavati inogona kuitwa gore rino risati rapera. Vati sarudzo dzinogona kuitwa gore rinouya.

Musangano uyu wapindwa nevemabhizimusi vemuno pamwe nevamiriri venyika zhinji dziri muAfrica.