VaTsvangirai Vanorambidzwa Kuita Musangano neMapurisa

  • Blessing Zulu

Mapurisa neChitatu arambidza mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai kuita musangano webato ravo kuHighfield kuCyril Jennings Hall vachiti havana kuziviswa pachine nguva yakakwana.

VaTsvangirai vange vachitarisirwa kuita musangano uyu vachitevera wavakaita kuMabvuku neChipiri manheru.

Sachigaro weHarare Province muMDC, VaMorgan Femai, vanoti vakaudza mapurisa pachine nguva uye vari kushamisika nezviri kuitwa nemapurisa. Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector James Sabau, vati havana kunge vanyatsopirwa nyaya iyi nekudaro havana chekutaura.

Asi vamwe muZanu-PF vanoti VaTsvangirai vacharamba vachiomeserwa kuitira kuti vasaita misangano kana nyaya dzesarudzo dzatanga.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti pari zvino vachaterera zvataurwa nemapurisa sezvo vasingadi kuti vanhu vavo vakuvadzwe nemapurisa.

Zvichakadaro. mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo richatanga kutsvaga rutsigiro kana referendamu yapera gore rinouya.