Hutungamiri hwe Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, hwabudiswa muhusungwa mushure mekubhadhariswa mari yechibatiso inoita madhora makumi mashanu pamunhu.
Vanga vari muhusungwa, vanhu vanomwe, avo vanosanganisira mutungamiri we ZCTU, Va Peter Mutasa, munyori mukuru wesangano iri, Va Japhet Moyo, nevamwe.
Vanhu ava vakasungwa nemusi weChina vachipomerwa mhosva yekuungana vaine chinangwa chekukonzera mhirizhonga.
Musi uyu, mapurisa akasungawo nhengo dze ZCTU kuMasvingo nekwaMutare dzichipomerwa mhosva yekuda kukonzera mhirizhonga.
Asi vakasungwa kwaMutare nekuMasvingo vakabudiswa muhusungwa vachinzi vaizodzoka kudare pachishandiswa masamanisi.
VaMutasa nevamwe vavo vakamiswa pamberi pedare neChishanu muHarare, asi nyaya yavo haina kupera sezvo mapurisa aichinja nyaya yaaipomera vakuru veZCTU ava.
Kuratidzira kweZCTU kwaive kwakanangana nemutero wakadzikwa nehurumende wekubhadhrisa vanhu zvikamu zviviri kubva muzana pamari yavanenge vashandisa inotangira pamadhora gumi zvichikwira.
Mutemo wekubatwa kwemari iyi wakagazetwa neChishanu, uye wakatanga kushanda pakati pehusiku hwapfuura.
VaMutasa nevamwe vavo vari kumirirwa nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, re Zimbabwe Lawyers for Human Rights.
Mutauriri wesangano iri, VaKumbirai Mafunda, vanoti magweta avo acharamba achimirira vasungwa ava kusvika vachenurwa nekuti havaoni paine mhosva yavakapara.
Your browser doesn’t support HTML5