Vakomana vaviri vechidiki vanoti Simbarashe Mhungu na Limbikani Makani vasarudzwa nehurumende ye America kuti vamirire nyika pamusangano mukuru we vatungamiri vechidiki uchatanga muWashington svondo rinouya.
Musangano mukuru uyu uchange uri pasi pedingidira re 2012 Innovation Summit inokokerwa nehofisi yemutungamiri we United States va Barack Obama pasi pechirongwa chekukurudzira vechidiki vanobva kunyika dzakasiyana siyana kuti vawane hunyanzvi mumabasa avanoita.
Vaviri ava vachange vane vamwe vechidiki vanosvika 58 pamusangano uyu. Vaviri ava vachatanga vaita musangano wemazuva maviri muWashington DC umo vachasangana na Secretary Of State mai Hillary Clinton vasati vaende kune mamwe mastates uko vachashanda vari pasi pemakambani ehurumende neakazvimirira ega.
Simbarashe Mhungu uyo anemakore 32 akadzidza pa Howard University muWashington akashand kumbani yeGoldman Sachs ku New York asiti adzokera kuZimbabwe uko ave mutungamiri we Harvest Fresh kambani ino wona nezvekurima.
Mumwe wake Limbikani Makani akatanga kambani inonzi Technology Zimbabwe iyo arikutungamira parizvino.
Vaviri ava vachasimuka munyika neSvondo vakananga kuWashington.