VaMugabe, VaTsvangirai, naVaMutambara Vobatana kuMusangano weWorld Economic Forum

  • Jonga Kandemiiri

Vatungamiri vatatu vari muhurumende yemushandira pamwe, avo vanga vari kumusangano weWorld Economic Forum kuTanzania, vakurudzira nyika pamwe nevemabhizimusi kuti vapinde muZimbabwe kunotanga mabhimusi avo munyika.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vataura pamwe chete vakabatana muTanzania mukuedza kukwezva vemabhizimusi.

VaMugabe vaudza musangano uyu kuti vanoda kutanga mabhizimusi muZimbabwe, vasatyisidzirwa nemutemo wekupa upfumi kuvatema, uyo vati haudzingi vemabhizimusi, sezviri kutyirwa nevamwe. Mutemo uyu unosungira vose vekunze, pamwe nevachena vari muZimbabwe kuti vaite zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana zvehupfumi mumakambani avanenge vatanga.

Vachitaura kumusangano uyu, VaTsvangirai vatiwo Zimbabwe yakagadzirira kudyidzana nevemabhizimusi, vakatiwo mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika, agadzikana.

VaMutambara vatiwo nyika dzakatemera VaMugabe nevamwe vavo zvirango, dzinofanirwa kubvisa zvirango izvi sezvo pava nekuwirirana muhurumende.


VaMugabe havana kupinda musangano wemusi weChina uyu, sezvo vanga vachipinda mumwe musangano wemapato akarwa hondo muAfrica.

Musangano weWorld Economic Forum uri kutarisirwa kupera neChishanu.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vaudza Studio7 kuti vapinda musangano uyu vakurudzira vatungamiri vatatu ava kuti vasimbisise nyaya yekugadzirisa zvinhu munyika.