VaZuma Vosangana naVaMugabe naVaTsvangirai Vachigadzirisa Zviri Kunetsa muHurumende

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakatanga neChitatu kuita misangano nevatungamiri vemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa.

VaZuma vaitawo musangano nemubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono. Hapana ari kuziva zvakurukurwa.

VaZuma vakatanga nekusangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazoita misangano nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

VaMugabe naVaTsvangirai vanoti vagutsikana nemisangano iyi uye vane chivimbo chekuti zviri kunetsa zvichagadziriswa.

VaZuma vari kutarisirwawo kuita musangano nevatatu ava neChina. Asi VaMugabe ne Zanu-PF vanonzi vaudza VaZuma kuti vari kuda kuti nyaya iyi ipere svondo rinotevera, kuitira kupa mukana vari kutungamira nhaurirano kuti vapete nyaya yavo.

Asi VaTsvangirai vanoti nyaya iyi ngaipedzwe naVaZuma.

Nyaya dziri kuyedza kugadziriswa naVaZuma inyaya dzekusagadzwa kwemagavhuna, uye kugadzwa zvisina kuwirana kwagavhuna webhanga guru, VaGideon Gono, kugadzwa kwemuchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, naVaMugabe vasina kusuma vamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Iyo Zanu-PF iri kutiwo hapana chingaitwa kana zvirango zvisati zvabviswa.

VaCharles Mangongera inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti kuti VaZuma vasanzi vafambira dhongi rakaora, vanofanira kuona kuti zvose zviri kunetsa zvagadziriswa.