Vechidiki veZanu PF Vanoti Vachadzivirira Midziyo Yavo Pacharatidzira MDC

  • Jonga Kandemiiri

Vechidiki veZanu PF vanopti vachadzivirira midziyo yavo kubva kuvaratidziri veMDC nemusi weChina.

Vechidiki vebato reZanu PF vanoti vari kukurudzira ruzhinji rweZimbabwe kuti rwuchengetedze midziyo nezvivakwa zvavo nemusi weChina svondo rino apo nhengo dzebato rinopikisa reMDC dziri kuronga kupinda mumigwagwa dzichiratidzira.

Mutauru webato rinopikisa iri VaJacob Mafume vakaudza vatori venhau kuti kupinda mumigwagwa vachiratidzira uku kwakabva muvanhu, avo vavanoti vari kunyunyuta nekuparara kwehupfumi hwenyika.

Asi munyori muboka revechidiki muZanu-PF, VaPupurai Togarepi, vanoti vachadzivirira nzvimbo dzavo dzinokosha, uye nekuda kwezvakaitika musi wa 1Nyamavhuvhu zvekuti zvivakwa nemidziyo inosanganisira dzimotokari zvakaparadzwa, vaona zvakakodzera kuti vatore danho iri.

"Ma violent demonstration akaitwa musi wa 01 August takaona motor dzichipiswa, ma shop achibiwa zvunhu, property yakawanda ichiparadzwa. saka ava vari kuda ku demonstrator ava ndovaya futi vagara vachiparadza zvinhu. saka pauri wega-wega une zvinhu zvako zvidzivirire zvinhu zvako," VaTogarepi vanodaro.

Kunyange hazvo vatenda kuti ibasa remapurisa rekuchengetedza vanhu nezvivakwa, VaTogarepi vanoti kazhinji mapurisa haakwanise kuzenge ari pose pachasvikwa nevachange vachiratidzira ava, nekudaro vanofanirwa kutorawo matanho.

"Ibasa remapurisa, asi every citizen ine right to protect property yayo. Mupurisa unozomutsvaga property yako yaparadzwa, uye mupurisa haagone kuve pa every inch yenyika ino iyi. Mapurisa toziva kuti aripo, sei tichiisa ma durawall padzimba dzedu?"

VaTogarepi varamba mashoko evamwe ekuti vechidiki veZanu PF ava vatora danho iri senzira yekuda kukanganisa hurongwa hweMDC, iyo inogara ichiti inoratidzira murunyararo.

Kuratidzira uku kunonzi kuchatanga muHarare, asi kuchizopararirawo kuenda kune mamwe matunhu enyika yose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPupurai Togarepi