Mumiriri wembare mudare reparamende, VaPiniel Denga veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vanoti ivo havachabvumidzwi nechikwata cheChipangano, icho chinonzi chiri kutungamirwa nevechidiki veZanu PF, kupinda munzvimbo yavanomirira.
VaDenga vanoti zvakare guta reHarare riri kurasikirwa nemari yakawanda pazuva roga-roga kuburikidza nemari dzemitero dziri kutorwa zvisiri pamutemo neChipangano kubva kune vanoshandisa misika yekanzuru.
Bepanhau reNewsday ratiwo sachigaro wekomiti inoona nezvedzimba mukanzuru iyi, VaCharles Nyatsuro, vakatenda kuti kanzuru iri kurasikirwa nemari kuchikwata ichi, icho chinonzi chave nemasimba akanyanya kudarika mapurisa nekanzuru.
Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition raburitsawo gwaro pamusoro pemabasa eChipangano, icho chinonzi chinotungamirwa nemukuru wevechidiki veZanu PF mudunhu reHarare, VaJim Kunaka.
Sangano iri ratiwo mumiriri weSoutherton mudare reparamende, VaGift Chimanikire, mumwe wevamiriri vari kurambidzwa neChipangano kupinda munzvimbo dzavanomirira.
VaDenga vaudza Studio7 kuti vakatokwidza nyaya yeChipangano iyi kukomiti yeparamende inoona nezvekudzivirirwa kwenyika pamwe nemukati menyika, iyo vanogarawo, kuti patsvagwe nzira dzekudimura muswe wechikwata ichi.
VaKunaka varamba mashoko ari kupomerwa vechidiki vebato ravo, vakati havatozivi kuti matunhu avo ane vamiriri, sezvo vasati vamboita musangano nevagari.