VeMDC Alliance neZanu-PF Voudzana Meno Amire paNyaya yeKuputswa kweZvivakwa Mumaguta

  • Blessing Zulu

Mutungamiri weTransform zimbabwe VaJacob Ngarivhume vari paMbudzi pakaputswa zvivakwa nemapurisa

Kutanga neMuvhuro vakawanda vange vachitengesa dzimotokari, midziyo yemumba, zvidhina nezvimwe pedyo nemigwagwa nedzimwe nzvimbo dzinonzi nehurumende dziri kuitirwa basa zvisiri pamutemo vakasara vave nemisodzi pamatama mushure mekunge zvivakwa zvavo zvaputswa muHarare, Ruwa, Epworth neChitungwiza.

Asi nemusi weChina dare repamusoro soro rakati zvakaitwa nehurumende zvekuputsa zvivakwa isina mvumo yedare kutyo mutemo. Hurumende ine mazuva gumi ekupikisa mutengo uyu.

Kunyangwe mapurisa ekanzuru ari kuputsa zvinhu akatsigirwa nemapurisa eZRP, danho iri rinotevera chisungo chedare remakurukota chekuti maguta atange kucheneswa kwete kusiya vanhu vachiita madiro aJojina.

Asi vanopikisa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu vanoti hurumende iri kukundikana kupa vanhu mabasa asi yovashungurudza kana voita mabasa avo emaoko.

Vakakwikwidza vakamirira Zanu-PF musarudzo yedare reparamende kuWarren Park, VaGilbert Muponda, vanoti nyaya yezvivakwa zviri kungonyuka mumadhorobha iri kukonzerwa nekusagona kutungamira kwebato reMDC Alliance rine makanzura nemameya akawanda.

Asi mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti Zanu-PF iri kurwa siku nesikati kuda kuvhiringidza MDC Alliance.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGilbert Muponda naVaClifford Hlyatwayo