VeMDC neveMasangano Akazvimirira Vopomera Vasori Mhosva yeKuvashungurudza

Vemasangano anorwira kodzero dze vanhu pamwechete nevatsigiri vebato guru rinopikisa reMDC muMasvingo vanoti dunhu ravo raberekera ingwe sezvo vari kushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti mauto nevasori vachipomerwa mhosva ye kuda kuronga kuratidzira munyika pamwe nekuda kupidigura hurumende.

Asi munyori mubazi rezve kufambiswa kwe mashoko munyika, VaNick Mangwana vanoti hurumende irikutevera masangano arikuda kukonzera mhirizhongo munyika kwete vasina mhosva.

Vatsigiri veMDC nedzimwe nhengo dzesangano revagari reGutu United Residence and Rate Payers Alliance kana kuti GURRA vaudza Studio 7 kuti vakavingwa pakati pehusiku nevanofungidzirwa kuti vasori neveMilitary Intelligence vakapomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuri varambe kutambira bhiri re Maintenance of Peace Peace iri rikuvandudza mutemo wePOSA.

Izvi zvakaitika mushure mekunge dare raparamende raita misangano richinzwa pfungwa dzevanhu munharaunda yavo.

Vanoona nezvekufambiswa kwe mabasa muGURRA , VaTafunga Mamombe,vanoti vave nevhiki mbiri vasina kumboona mhuri yavo nekuti vari kutya kudzokera kumba kwavo kubva zvakakatiza vavingwa pakati peusiku.

Vamwe vatsigiri veMDC kwa Mupandwawana kwaGutu, vanotiwo naivo vave nevhiki mbiri vatiza misha mushure mekushanyirwa pakati pehusiku nevanofungidzirwa kuti vasori vachipomerwa mhosva yekuti vakaramba zvaiva muBhiri reMOPA..

VaBrighton Ramusi, vesangano reCommunity Tolerance, Reconciliation and Development (COTRAD), vanotiwo variku shungurudzwawo zvikuru mudhorobha reMasvingo vachipomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende nechisimba.

Mukuru wemabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaBlessing Gurajena, vanoti vakaita tsvakurudzo yakabudisa pachena kuti mauto ave kumberi munyaya dzekutyora kodzero dzevanhu vachishandiswa mune zvematongerwe enyika.

Vakashoropodzawo hurumende vachiti iri kunyaya kushandisa simba rechiuto kunyaradza vanopikisa.

VaBernad Chimango, kanzura weMDC, muward 34 kwaGutu vanoti vari kugaravo mukutya sezvo vari kuvingwa zuva ne zuva vachitsvagwa.

Vanoti vakando mhan’ara nyaya iyi kumapurisa epa Gutu Central asi havana kuvhurirwa dhoketi vachiti vanofunga kuti mapurisa anototyawo vasori ava nemauto.

Mumwe wava kashanyirwa kumba kwavo nezuro nemotokari inofungidzirwa kuti ndeye vasori yaive nevanhu vashanu ndi kanzura veMDC veward 4 muMasvingo VaGodfrey Kurauone, avo vanoti vave kutyira hupenyu hwemhuri yavo sezvo vasiri muMasvingo.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inpsector Charity Mazula, varamba kutaura nezve nyaya iyi vachiti inoda vakuru vavo kuHarare..

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vati havasati vatambira mashoko akadaro kuhofisi yavo vachiti havatombozivi nezvazvo.

Apowo mutauriri, wemauto munyika, Colonel Overson Mugwisi, vati havakwanisi kutaura nezve nyaya nekuti vanga vasiri muhofisi nhasi.

Asi masangano anozvimirira anopomera hurumende mhosva yekuvhara mikana yekushandira kune vemasangano akazvimirira pamwe neve mapato anopikisa kubva pakatanga kuwondomoka hupfumi hwenyika zvaita kuti mitengo yezvinhu iite chamuramba mhuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Gandri Maramba