Sachigaro wemadzimai muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Amai Paurina Mparaiwa Gwanyanya, vanoti hukama hwavo nehutungamiri hwebato ravo hwasvika kwamvura yacheka makumbo asi vacharamba havo vari muparamende.
Amai Mpariwa Gwanyanya vanoti vaona zvakakodzera kuti vasiye chigaro chekuva sachigaro wemadzimai muMDC zvichitevera kuzvidzwa kwavari kuitwa mubato.
Vanoti vakabviswa pandandemutande renhengo dzeNational Standing Committee yebato iri mushure mekutadza kuenda kumusangano wekomiti iyi sezvo vainge vakabatikana.
Vanoti vakaudza vamwe vavo zvikonzero zvakavatadzisa kuenda musangano uyu uye vakazoshamiswa nezvakaitika.
Vanoti pavakabvunza kuti izvi zvainge zvaitirwei vakaudzwa kuti vainge vave kukanganisa kuchengetedzeka kwenhengo dzeNational Standing Committee pamwe nebato.
Vanoti nekuda kwaizvozvo vakanyora tsamba neChipiri vachiti vave kumbosuduruka kuitira kuti MDC Alliance idome munhu wainoda kuti atungamire madzimai.
Vatiwo vakange vave kutukwa pamwe nekupomerwa mhosva yekuti vakapinda mumusangano wechimwe chikwata cheMDC inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe.
Asi mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, pamwe nemunyori mukuru webato iri, VaCharlton Hwende vaudza Studio 7 kuti Amai Mpariwa Gwanyanya vachiri nhengo yebato ravo.
VaHwende vaudza Studio7 kuti Amai Mpariwa Gwanyanya vakatadza kuuya kumusangano wakaitwa neChipiri uye vakapa chichemo chavo chakatambirwa uye kusvika pari zvino havasati vawana gwaro rekusiya chigaro kubva kwavari.
Asi Amai Mpariwa Gwanyanya varamba mashoko aVaHwende vachiti vave kutorwiswa nenhengo dzeMDC Alliance vachinzi mutengesi.
Vaenderera mberi vachiti hapana chakaipa kutaura naMuzvare Khupe nevamwe vavo vachiti vaimbove nhengo dzeMDC.
Vatiwo zviri pachena kuti MDC Alliance haichada vashandi ichiti vanhu vese vakatumwa nesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions kunoumba bato rezvematongerwo enyika reMDC vave kushungurudzwa kana kuti vakatodzingwa mubato iri.
Muzvare Khupe ndemumwe wevanhu vakabva kuZCTU pakaumbwa bato reMDC muna 1999 richitungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, avo vainve munyori mukuru weZCTU.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muMDC umo chikwata chaVaChamisa nechaMuzvare Khupe zviri kurwisana panyaya dzemuzinda webato iri weMorgan Tsvangirai House pamwe nenhengo dzeparamende.
Mune imwewo nyaya, madzimai matatu eMDC yaVaChamisa, Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, avo vanga vari muchipatara, vanonzi vasungwa apo vanga vaenda kunosvitsa mapasipoti avo sezvakatarwa nedare.
Baba vemumwe wemadzimai aya, VaHenry Chimbiri, vati ichokwadi kuti vatatu ava vasungwa nemapurisa.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vanga vachinetsa kubata panherembozha yavo.
Your browser doesn’t support HTML5