Mumiriri wesangano reWorld Health Organization muZimbabwe, Dr
Alex Gasasira, varumbidza zviri kuitwa nehurumende mukurwisa denda
reCovid-19 asi vayambira kuti vanhu havafanirwe kurivara mukuramba
vachitevedzera zvose zvinokurudzirwa nenyanzvi dzezvehutano
pakudzivirira denda iri.
Vachitaura pagungano rekudzidzisa vamwe vagari vemuBulawayo
nezvekodzero dzavo dzakasiyana-siyana munzvimbo inogara veruzhinji yeSidojiwe, Dr Gasasira vati vanofara zvikuru kuti hapana vanhu vemunzvimbo iyi vati vabatwa nechirwere cheCovid-19, zvisinei nematambudziko akawanda avakatarisana nawo, kusanganisira kugara vakawanda panzvimbo imwe chete.
Dr Gasasira varumbidzawo hurumende nematanho airi kutora pakurwisa
denda reCovid-19 kusanganisira kuunza nhomba munyika.
Asi vayambira kuti veruzhinji havafanirwe kuvarairwa pakuramba vachitevedzera zvose zvinotaurwa nenyanzvi dzezvehutano pakurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo chichiri kutekeshera pasi rose, vakakurudzirawo kuti vanhu vabaiwe nhomba.
Dr Gasasira vaudza Studio7 kuti sangano ravo riri kubatsirawo
nyika nenzira dzakasiyana siyana kusanganisira kuona kuti vashandi
vezvehutano varamba vachipiwa dzidziso pamusoro pechirwere
cheCovid-19 pamwe nekubatsira kuwana zvipfeko nezvimwe zvinodiwa
pakurwisa chirwere ichi.
Vachipawo maonero avo pamabatiro aita hurumende denda reCovid-19
kusvika pari zvino, vakambove gurukota rezvehutano uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vati hurumende ine zvayakagona zvakawanda kusanganisira kuedza kutevedzera matanho anokurudzirwa neveWorld Health Organization pakudzivirira chirwere cheCovid-19.
Asi VaMadzorera vati hurumende ichine basa guru rekupa vashandi vezvehutano pamwe neveruzhinji dzidziso izere pamusoro pechirwere checovid-19 vachiyambirawo kuti nyika haifanirwe kuvarairwa
pakurwisa chirwere ichi.
Studio7 haina nkukwanisa kunzwa kumutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, sezvo nharembozha yavo yange isingabatike.
Gungano raitwa paSidojiwe range riri chikamu chechirongwa chekushanya
kwevakuru vakuru vemapoka esangano reUnited Nations, International Organisation for Migration, International Labour Organisation vachiona
zvirongwa zvakasiyana siyana zviri kuitwa nemasangano anoshanda
akazvimirira avanotsigira mukubastira veruzhinji, kunyanya
vanotambura, nenzira dzakasiyana-siyana.
Mumashoko akabudiswa nebazi rezvehutano nezuro, vanhu vashanu
vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro wakare, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ihi pachiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi matanhatu nevashanu, 1565.
Vanhu makumi matanhatu nevaviri vakabatwa neCovid-19 nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi matatu nezvesere nezana nemakumi matanhatu nevana, 38 164. Vanhu vapora kuchirwere ichi munyika yose vava zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mana nemakumi masere, 35 480.
Kusvika nezuro munyika mange mave nevanhu mazana matatu
nemakumi manomwe ezviuru nemazana matanhatu nemakumi manomwe netanhatu nevanomwe, 370 676, vabaiwa nhomba yekutanga, uye pave nevanhu zviuru makumi matanhatu nezvitatu nemazana maviri nemakumi matanhatu nevatatu, kana kuti, 63 263 vabaiwa nhomba yepiri kusvika nezuro.
Huwandu uhu huri kutarisira kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa nhasi.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 vanodarika mamiriyoni gumi.
Your browser doesn’t support HTML5