Musangano weWomen of Dominion International Unopinda Muzuva Repiri kuCincinnatti

Your browser doesn’t support HTML5

Musangano weWomen of Dominion International 2015

Praxedes Jeremiah

Musangano weWomen of Dominion International wapinda muzuva repiri muguta reCincinnatti ku Ohio.

​Musangano uyu, uyo wakatanga neChina uye uchipera neSvondo, unobatanidza madzimai emadzisvondo akasiyana siyana.

Margaret Chidemo of Women of Dominion

Madzimai anobva kuZimbababwe anogara muAmerica pamwe neakabva kuZimbabwe ari kupindawo mumusangano uyu.

Mukuru weWomen of Dominion muCincinnatti, Amai Margaret Chidemo, vanoti chinangwa chekuitira musangano uyu muguta ravo ndechekutiwo mamwe madzimai emudunhu ravo akwanisewo kuva nhengo.

​Maguta emuAmerica anoita madzoro ekuita musangano uyu zvichienderana nekuti nderipi guta rinenge rawiriranwa.

Gore rapera madzimai aya akasangana kuTexas uko akaitira musangano wavo wepagore uyu. - CINCINNATTI

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Margaret Chidemo