Pasi rose racherechedza neMugovera zuva rehutano hwakanaka hwepfungwa pasi rose, kana kuti World Mental Health Day.
Izvi zvaitika panguva iyo vanhu vakawanda pasi rose vari kuvhiringwa pfungwa dzavo nechirwere cheCovid-19.
Mumwe mushandi mukuru mubazi rezvehutano, Amai Locadia Mavhudzi, vati hutano hwepfungwa dzemunhu hwakakosha pamusoro pehupenyu hwake sezvo pfungwa dzichibatsira munhu kuti ave nebudiriro muhupenyu hwake.
Amai Mavhudzi vati chirwere cheCovid 19 chiri kuwedzerawo kusagadzikana
kwepfungwa dzevanhu munyika nenzira dzakasiyana siyana.
Amai Mavhudzi vati vanhu zvikamu makumi maviri kubva muzana
vanorwara nechirwere chepfungwa mukurarama kwavo.
Chiremba anoshanda neZimbabwe National Association for Mental Health, VaIgnatious Murambidzi, vati chirwere cheCovid-19 ndicho chiri pamusoro kukonzera kuti vanhu vasagadzikane mupfungwa dzavo sezvo vanhu vakawanda vakarasikirwa nemabasa pamwe nekufirwa kana kurwarirwa nehama.
VaMurambidzi vati kuvharwa kwenyika kwakakonzerawo kuti vana vechikoro nevanhu vanga vasisaende kubasa vapute nekunwa zvinodhaka.
Mumwe anorwara nepfungwa muChinhoyi, VaLukcy Chinake, vati vakamboenda kuchipatara vakapihwa mushonga, asi pari zvino havasi kupihwa mushonga izvo zvave kuita kuti vanyanye kurwara zvekuti vanhu vanenge voti vanopenga.
Vachitaura padandemutande nhasi sachigaro weWorld Federation for
Mental Health, Dr Ingrid Daniels, vati ongororo yakaitwa pasi rose
inoratidza kuti chirwere cheCovid-19 chaita kuti mamiriyoni akawanda evanhu varware nechirwere chepfungwa uye munhu mumwe chete pavanhu vana, anorwara nepfungwa pagore pasi rose.
Zuva reWorld Mental Health Day iro rakatanga kucherechedzwa musi wa 10
Gumiguru 1992, riri kucherechedzwa gore rino pasi pedingindira rekuti:
Mental Health for All.
Your browser doesn’t support HTML5