Zvinhu zvanga zvisina kumira zvakanaka nhasi mumusha we Diepsloot uri kumaodzanyemba kweguta reJohannesburg, kuSouth Africa zvichitevera mhirizhonga yakanangana nevabvakure vanogara munzvimbo iyi.
Zvizvarwa zvemuSouth Africa zvapinda mumigwagwa zvichivhara migwagwa iyi nematombo kuitira kuti isapinde motokari; zvanga zvichipisa matayi emotokari pamwe nekupwanya zvitoro zvichiti hazvidi kuona zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa zvisina magwaro zviri munzvimbo iyi.
Vanhu ava vanga vachitiwo vanoda kuona gurukota rezvemukati menyika, VaBeki Cele, kuitira kuti vavaudze zvichemo zvavo.
Varatidziri ava vanga vachiti vanoda kuti vanhu vose vasina magwaro ekugara muSouth Africa, vadzingwe, vachiti ndivo vanhu vari kupara mhosva munzvimbo iyi, idzo dzinosanganisira kuurayiwa kwemumwe mupurisa anonzi akaurayiwa nechizvarwa cheZimbabwe nguva pfupi yapfuura.
Asi mapurisa anodzivirira mhirizhonga apinda mumusha uyu akawanda, ndokushandisa zvombo zvehutsi hunokachidza pamwe nemabara erhabha senzira yekuparadza vanhu vanga vakaungana mumigwagwa vachiita mhirizhonga iyi.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reGauteng, VaMathapelo Peters, vati hapana zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvakuvara kana kufa mumhirizhonga iyi, asi vati pane chizvarwa cheSouth Africa chapfurwa chikakuvara.
Chimwe chizvarwa cheSouth Africa chinogara muzimbo iyi, icho charamba kudomwa nezita racho, chaudza Studio7 kuti vanhu vemuSouth Africa havasi kuzopeta maoko vamwe vavo vachiurayiwa.
Mumwe muzvinabhizimisi weku Somalia arambawo kudomwa nezita rake ati kunyange hazvo vanhu vasina kurohwa kana kupazirwa zvitoro zvavo, vava kutyira hupenyu hwavo.
Sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vashora zvikuru chiitiko ichi vachiti zvave kuitika izvi zvave kuratidza kuti muSouth Africa maberekera ingwe.
VaShumba vati South Africa yatadza kugadzirisa dambudziko rekurwiswa kwevabvakure, nokudaro, nyaya iyi yava kutoda kuti iendeswe kusangano reAfrican Union kana mamwewo masangano asina kwaakarerekera.
Studio7 haina kukwanisa kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munzvimbo iyi, sezvo vazhinji vavo vange vakazvivharira mudzimba vachityira hupenyu hwavo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwawo kumuzinda weZimbabwe muSouth Africa kana paine zvizvarwa zveZimbabwe zvingange zvavhiringwa nemhirizhonga iyi.
Mhirizhonga yakanangana nevabvakure inogara ichiitika muSouth Africa, vanhu vakawanda vachirasikirwa nezvinhu zvavo mumhirizhonga idzi.
Your browser doesn’t support HTML5