Kunyange hazvo kushanya kwemutungamiri weChina, VaXi Jinping, kuchionekwa nevakawanda sechitiko chikuru munhorondo yenyika, vamwe vanoshora hukama hweZimbabwe neChina.
Amai Helen Dube ndimuzvinabhizimisi uye vanoti vanorangarira vachikura kuti madzimai akawanda aikoshesa kuve nemimwe midziyo yemumba yaitengwa kubva kuChina sezvo yaiwonekwa semidziyo yemhando yepamusoro-soro.
Your browser doesn’t support HTML5
Amai Dube vanotengesa mbatya kunyanya dzevanhurume dzemhando yepamusoro dzavanotenga kubva kuChina.
Vanoti kushora kunoita veruzhinji zvinhu zvinogadzirwa kuChina hakukodzeri nekuda kwekuti vekuChina vanogadzira zvinhu zvakasiyana-siyana uye isarudzo yemunhu ega ega kuti anoda kutenga zvinhu zvemhando yepasi pasi here kana kuti kwete.
Muzvare Musawenkosi Nyoni ndivo sachigaro weZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations muBulawayo uye vanorarama nekutenga nekutengesa mbatya.
Muzvare Nyoni vanoti kunyange hazvo vanhu vachishora zvimwe zvinhu zvinobva kuChina zvinotengeswa munyika, zvinhu izvi zviri kubatsira veruzhinji vakawanda.
VaSamukele Hadebe ndivo mukuru mukuru wesangano rePublic Policy Research Institute of Zimbabwe, PPRIZ, uye vakambovewo mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe wechirudzi cheMandarin chinotaurwa kuChina.
VaHadebe, avo vanogara vachishanya kuenda kuChina, vanobvuma kuti veruzhinji vemunyika vanotarisira pasi vanhu vekuChina pamwe nezvinhu zvavanogadzira, asi vanoti izvi zvinoitwa nekuda kwekusaziva chokwadi chizere pamusoro peChina.
Chipangamazano wesangano rePPRIZ, VaButler Tambo, vanotiwo veruzhinji havana ruzivo rwakakwana pamusoro peChina, vachitiwo kutaura kunoita vamwe kuti mbatya dzakachipa dzinobva kuChina ndidzo dziri kuuraya maindasitiri emuno, kusataura chokwadi chizere.
Mutauriri weboka revechidiki muMDC-T, VaBrian Dube, ndemumwe weavo vane kusagutsikana uku. Vanoti Zimbabwe ichakwanisa chete kubuda mumadhaka mairi kana munyika mukave nehutongi hwejekerere.
Vanotiwo Zimbabwe inofanirwa kugadzirisawo hukama hwayo nenyika dzekumadokero sezvo China ichidyidzanawo nenyika idzi.
Vakambove gurukota rezvemari variwo mutungamiri webato reMavambo, VaSimba Makoni, vanoti nekuda kwekuti China ndiyo nyika iri panzvimbo yechipiri pasi rose kuchitariswa kusimba kwehupfumi hwenyika dzakasiyan-siyana, veruzhinji vanokwanisa kuwana pundutso kubva pahukama hweZimbabwe neChina.
Asi vanoti izvi zvinoitika chete kana hurumende yeZanu PF ikaendesa zvido zveveruzhinji pamberi, kwete kuita zvehumbimbindoga zvinopfumisa vakuru vakuru vebato iri chete.
Kunyange hazvo pane kugunun’una kweveruzhinji kuripo, kudyidzana pakati peZimbabwe neChina kuri kuramba kuchikura izvo zviri kuita kuti vanhu vanobva kuChina vachiuya muZimbabwe vawande ukuwo vanobva munyika vachienda kuChina, vachiwandawo.
Izvi zvave kuita kuti vamwe vanhu vemuZimbabwe vawanane nevekuChina.
Kunyange hazvo vamwe vachishora wanano yakadai, vamwe vanoti izvi zvinogona kuwedzera kusimbaradza hukama pakati penyika mbiri idzi.