Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ari kutarisirwa kuita musangano wekuzeya mamiriro akaita zvinhu munyika, zvikuru nyaya yemhirizhonga.
Musangano uyu unotanga neChitatu muHarare. Politiburo yeZanu-PF pamwe nhutungamiri hwemapato eMDC maviri huri kutarisirwa kusangana neChitatu muHarare pamwe nebazi rinoona nezvekupodzwa kwemaronda kana kuti national healing.
Musangano uyu unonzi wakawana rubatsiro rwemari kubva kuUnited Nations Development Programme nemamwe masangano anobatsira.
Amai Sekai Holland ndivo gurukota rinoona nezvekupodzwa kwemaronda. Amai Holland vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru.
Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaArthue Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vanoti musangano uyu wakakosha.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vaudza bepanhau reHerald kuti MDC haina kuzvipira sezvo iri kudzidzisa vanhu kuVictoria Falls, asi havasati vaziva kuti vanhu ava vari kudzidziswa chii chaizvo.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vati havasati vasumwa nezvemusangano weChitatu vakati VaMutasa ndivo vari kuuronga. Asi VaMutasa hatina kukwanisa kuvabata.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, varamba mashoko ekuti bato ravo rine vanhu variri kudzidzisa zvinenge zvechiuto.