Zanu-PF neMDC Zvonetsana paKurudziro yeIMF paGwara reHupfumi

  • Blessing Zulu

Dare remakurukota raita kusawirirana kunotyisa nekurudziro yeInternational Monetary Fund, yekuti inge ive nechekuita nezvehurongwa hwese hwezvehupfumi hwenyika kuitira kuti Zimbabwe iregererwe chikwereti chayo uye kudyidzana nebhanga iri. Chirongwa ichi chinonzi Staff Monitored Programme.

Chikwereti cheZimbabwe pari zvino chinopfuura mabhiryoni manomwe emadhora. IMF Executive Board yakapa kurudziro iyi mushure mekuongorora mamiriro akaita hupfumi hwenyika.

VeMDC vanoti vatotanga kuita hurukuro neIMF pachirongwa cheMedium Term Plan.

Asi makurukota eZanu-PF anonzi ari kutsika madziro achiti chirongwa ichi chinoreva kuti Zimbabwe inenge isisina kusununguka mukutara gwara rayo rehupfumi.

VeZanu-PF vanoti nyika inofanira kutarisa budiriro inobva kuzviwanikwa zvayo kwete kutsamirana nevekunze.

Asi veMDC vanoti hapana chiri kubuda muzviwanikwa zvakaita semangoda nenyaya yehuori.

Hurongwa huri kukurudzirwa neIMF hwakamboitwa muSudan, Togo, Liberia neMacedonia.

VaElton Mangoma ndivo gurukota rezvekurongwa kwehupfumi. VaMangoma vanoti nyaya iyi ichiri kuzeyiwa mudare remakurukota.