Mutungamiriri weAmerica, VaDonald Trump, vakawedzera neMuvhuro rimwe gore pazvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende yeZanu PF, pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende yaVa Emmerson Mangagwa.
VaTrump vakati maitiro evanhu vari pazvirango izvi anokanganisa kutonga kwejekerere. Vakatiwo kodzero dzevanhu vemuZimbabwe dziri kuramba dzichityorwa nehurumende yaVa Mnangagwa.
VaTrump vakati sarudzo dzakaitwa munyikaa gore rapera dzaifanirwa kunge dzakapa mukana wekuti Zimbabwe ipinde munzira itsva, ichipa America mukana wekuti itange zvekare kudyidzana nayo, asi izvi hazvina kuitika.
Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri waVa Mnangagwa, Va George Charamba, kuti tinzwe divi ravo. Hatina wo kukwanisa kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangagwa.
Asi imwe nhengo yeZanu PF, uye vaimbove mumiriri weMpopoma Pelandaba mudare reNational Assembly, VaJoseph Tshuma, vanoti VaTrump havasi kuziva zvavari kutaura nekuti zvinhu zvinonetsa muZimbabwe hazvigone kugadziriswa nenguva pfupi.
America yakatemera zvirango zvehupfumi nekufamba vakuru vakuru muhurumende yavaive yaVaRobert Mugabe muna 2003 zvicitevera kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5