Zapu neMDC Dzinoti Sadc Inofanirwa Kuchengetedza Runyararo Munguva yeSarudzo

  • Ntungamili Nkomo

Bato re MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe chete neZapu anoti anoda kuti Sadc itumire mapurisa ekuchengetedza runyararo munyika pamberi pesarudzo idzo dzingangoitwa gore rinouya.

Vachitaura vari kuSouth Africa nemusi weChipiri pamusangano wakanga warongwa nesangano reFreedom House muAmerica, mutungamiri weZapu, Va Dumiso Dabengwa, vakati bato ravo rinoda kuti sarudzo dziitwe gore rinouya uye kuti Sadc itumire mapurisa kusati kwaitwa sarudzo idzi, kuitira kuti kusaite mhirizhonga.

VaDabengwa vakati Zapu hayizi kufara zvachose nemashandiro ehurumende yemubatanidzwa iyo vanoti iri kukanganiswa nemakakatanwa aripo.

Naizvozvo, VaDabengwa vakati sarudzo dzinofanirwa kuitwa kuitira kuti munyika muve nebato rimwe chete richatonga pasina makakatanwa.

Musangano uyu wanga uchizeya mashandiro ehurumende yemubatanidzwa pakati peZanu PF neMDC kubva payaumbwa makore maviri apfuura.

Mukokeri weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai muparamende, VaInocent Gonese, ndemumwe wevakanga vachitaura pa video link vari kuSouth Africa.

VaGonese vakatiwo Sadc inofanirwa kupindira nesimba kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena. Vakatiwo chinhu chakakosha kuti vakuru vezvematongerwo enyika vatambire zvinobuda musarudzo.

Asi VaTakura Zhangazha, avo vanoongorora zvematongero enyika, vachitaurawo vari muSouth Africa, vakati havaoni kuchiitwa sarudzo gore rinotevera, sezvo hurumende isina kugadzirira.

VaZhangazha vakati kushaikwa kwemari ndiko kungakanganisa kuitwa kwesarudzo idzi.

Vakatizve sarudzo dzikaitwa, vari kuona kuchiita makakatanwa achaita kuti pave nekutaurirana zvakare.

VaZhangazha vakashorazve hurumende yemubatanidzva nekusabvumira nhepfenyuro dzakazvimirira dzega kuti dzishande munyika.

Vachibvunzwa kuti vari kuona here mapurisa pamwe chete nemasoja achibvuma kushanda nebato rinenge rakunda musarudzo idzi risiri Zanu PF, VaDabengwa naVaGonese vakati izvi vari kuona zvichiitika.