ZEC Yoendeswa kuMatare Ichinzi Hais Kufambisa Sarudzo Zvakanaka

High Court yeZimbabwe

Dare repamusoro reHigh nemusi weMuvhuro richatanga kunzwa nyaya mbiri dzakakwidzwa kudare iri nesangano rakazvimiririra rinoona nezvemitemo nekushanda kweparamende reVeritas.

Sangano iri rinoti rinoda kuona gadziriro dzesarudzo dzichitwa zvakanaka zvichitevedzera bumbiro remutemo uye vanhu vachidzidziswa nezvesarudzo.

Veritas inoti zvinhu hazvisi kuitwa pachena uye Zimbabwe Electoral Commission inofanira kuburitsa mazita evanhu vairi kushandisa musarudzo dziri kuuya sezvo pasingabvumizdwe kuve paine mapurisa kana masoja.

ZEC iri kukurudzirwawo kuti ibude pachena kuti iri kudzidzisa sei vanhu nezvekuvhota nezvimwe.

Sangano reZEC rakaendeswawo kumatare neElection Resource Centre nemamwe masangano nenyaya yekusafambisa sarudzo zvakanaka. Asi ZEC inoti iri kuita zvinhu zviri pachena.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vanoti zvizhinji zviri kudiwa neVeritas zvaifanirwa kuve zvakaburitswa pachena kare pasina zvekuenda kumatare.

"Pane zvinyunyuto zvakawanda zviri kutaurwa nemapato akasiyana siyana uyezve nemasangano akazvimiririra zvinotsvaka kuti ZEC inoshanda yega yega here kana kuti hurumende inopindira uye kuti muZEC munevechiuto here kana kuti hamuna,"

VaMakoni vakaenderera mberi vachiti "Kuti tive nevimbo kuti muZEC hamuna vanhu vechiuto vari kushanda muZEC ivo vachishanda kumauto panguva ino iyi, ZEC inofanira kuratidza pachena kuti vanhu vanoishandira vanhu vakaita sei."

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAndrew Makoni