ZEC Yokumbira Ruregerero Kuna VaMakumbi veCCC

Zimbabwe Electoral Commission ichinyorersa vavhoti

Sangano rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rabvuma kuti harina kufambisa zvakanaka chirongwa chekunyoresa kukwikwidza musarudzo dzema by-elections svondo rapera.

Mumashoko kuvatori venhau nemusi weChitatu, mutauriri weZEC, Amai Joice Kazembe, vakati sangano ravo harina kufambisa basa nemazvo apo hofisi yavo yemuChinhoyi yakaramba mapepa aVaDyke Makumbi ekuda kukwikwidza muwadhi 12.

Amai Kazembe vakati hofisi yavo yemuChinhoyi yakaramba mapepa aya ichiti vanhu vainge vadoma VaMakumbi kuti vakwikwidze musarudzo vainge vasina kunyoresa kuvhota sezvinodiwa pamutemo.

Kurambwa kwemapepa aya kwakaita kuti VaMakumbi vamhanyemhanye kutsvaka vamwe vanhu vakanyoresa kuvhota muwadhi mavo kuti vakwanise kukwikwidza..

Asi Amai Kazembe vakati zvakazoonekwa kuti vanhu ava vainge vakanyoresa uye vakatombovhota musarudzo dzemuna 2018.

Amai Kazembe vakati sangano ravo rine hurombo nezvakaitika.

Patabvunza vaive mukuru pakunyoreswa kwevaida kukwikwidza musarudzo musi uyu, VaShepherd Kawocha, vabvuma kuti hongu mazita akashikwa musi uyu nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

VaKawocha vati mudzimai waVaMakumbi uyo akambovhota muna 2018 achishandisa zita rekuti Norleen Makumbe akanga akanyoresa kuti Norlen Musariri.

Vatiwo pane vanhu vainge vaine zita rechipiri rekuti Muparaganda asi vainge vakanyoresa zita iri risina kepereterwa zvakanaka sezvavakatanga kunyoresa.

VaKawocha vati kukanganisa uku kwakakonzerwawo nemichina yavaishandisa iyo inotarisa mazita chete. Vati vakazotarisa mumuchina inotarisa mazita uchishandisa nhamba dzechitupa.

VaMakumbi vati zvakaita ZEC zvinoshoresa zvikuru vachiti havachisisina chivimbo nesangano iri kuti rinoita sarudzo dzakachena.

Hatina kunzwa kumunyori munyaya dzesarudzo mubato reCitizens Coalition for Change, VaIan Makone, avo vange vambovimbisa kutaura nesu asi vakazotadza kubatika panharembozha yavo.

Sachigaro wesangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vati kukumbira ruregerero kwakaita ZEC hakuna zvakunobatsira.

VaMakoni vati zvinoratidza kuti ZEC ine basa guru rekugadzirisa gwaro revavhoti.

Nyaya dzine chekuita negwaro revavhoti dzagara dzichinetsa musarudzo dzose dzinoitwa munyika.

Gwaro iri raimbonyorwa nekuchengetwa nebazi rinopa magwaro ekuzvarwa nezvitupa asi rakazopihwa ZEC nekuda kwemakakatanwa pakati pemapato ezvematongerwo enyika.

Nyaya yainetsa zvakanyanya ndiyo yekuti vanhu vainyoresa mazita asi vozonzi mazita avo haapo musi wekuvhota uye gwatiringa racho raiwanikwa mazita evanhu vakafa izvo zvaizofungidzirwa kuti mazita aya ayishandiswa kubirira sarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena