Zexie Manatsa Oradzikwa kuWarren Hills Achirumbidzwa neMabasa Aakabata

Zexie Manatsa

Muimbi aive ane mukurumbira munyika Zex Manatsa, uyo akashaya svondo rapera, akavigwa pamarinda eWarren Hills muHarare nemusi weSvondo achirumbidzwa semunhu akashanda zvakasimba munyaya dzemimhanzi pamwe nekushumira shoko raMwari.

Mazana nemazana evanhu akaungana pamarinda eWarren Hills muHarare nhasi apo paradzikwa muimbi Zex Manatsa. Mushakabvu akafa nechirwere chegomarara.

Vachitaura pakuradzikwa kwake, nhengo yeparamende inomirira Uzumba, VaSimbaneuta Mudarikwa, vatsanangura Manatsa semuimbi akashanda zvakasimba kudzora ndangariro dzevanhu vatema avo vaishungurudzika zvakanyanya munguva yehondo.

Vaimbova gurukota rezvekurima, VaJoseph Made vakati mushakabvu anorangarirwa zvikuru nekuimba nziyo dzaibatanidza vanhu uye munhu akafa ave kushandira Mwari zvakasimba.

Mumwe muimbi, Pastor Haisa, vati vaimbi munyika varasikirwa zvikuru nekufa kwakaita Manatsa.

Muimbi achiri kusimukira, Lithins Musoni, anoti akagara naManatsa kubva muna 1999 achidzidziswa zvekuimba namushakabvu.

Akataura akamirira mhuri yemushakabvu uye ari mwana waZex Manatsa, VaFreedom Manatsa, vati baba vavo vakasiya vavadzidzisa zvekuimba saka nokudaro vati sevana vachatsikisa nziyo dzakawanda senzira yekuendesa mberi basa raiitwa nababa vavo.

Zex Manatsa akaimba nziyo dzakawanda dzakaita mukurumbira dzinosanganisira d “Chivaraidze”, “Chipo Chiroorwa,” Tea Hobvu, Tamiririreiko Dynamos Igowese, Makepepe, Highlander Iwinile nedzimwe.

Parufu rwaManatsa, uyo akazofa ave mufundisi, panga paine vafundisi vakawanda vanosanganisira mukuru wesvondo yeZaoga, VaEzekiel Guti nevamwe vaimbi vane mukurumbira vanosanganisira Baba naMai Charamba, Minister Mahendere naAlbert Nyathi.

Manatsa asiya mudzimai Amai Stella manatsa nevana vatanhatu nevazukuru vakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Frank Chikowore