Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva re World AIDS Day apo masangano anoshanda nevanorarama nehutachiwona hweHIV/AIDS pamwe nevamiriri vehurumende vaungana pahurongwa hwaitirwa kuKwekwe.
Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reSouthern Africa HIV/AIDS Information Dissemination Service, SAFAIDS, Amai Tariro Makanga Chikumbirike, vanoti vafara zvikuru nevimbiso yapihwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, yekuti hurumende ichaita zvese zvainokwanisa ichirwisa dambudziko reHIV/AIDS munyika.
Amai Makanga Chikumbirike vanoti vanorarama neHIV/AIDS vataura nhunha dzavo pamusangano uyu.
Zvimwe zvarumbidzwa zviri kuitwa nenyika zvakanaka chirongwa chekurwisa kwekutapurirana hutachiwona kubva kuna amai kuenda kumwana.
"Tanzwazve kubva kune vechidiki vari kurarama nehutachiwona hwe HIV/AIDS uhwo vakawana kubva kuvabereki vavo pamusoro pematambudziko avari kusangano nawo," Amai Makanga Chikumbirike vaudza Studio7.
Your browser doesn’t support HTML5