Nhasi, 1 July, pave nemakore makumi maviri kubva zvashaika vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaJoshua Nkomo.
VaNkomo vakaita chirwere chegomarara, vakashaika muna 1999 vave nemakore makumi masere nemaviri. Vakaradzikwa paHeroes Acre muHarare.
Vaimbove nhengo yeparamende yeZanu-PF, VaJoseph Tshuma, vaudza Studio 7 kuti kunyange VaNkomo vakashaika makore mazhinji apfuura, Zimbabwe ichine zvinhu zvizhinji zvaingadzidza kwavari.
Vati chishuvo chavo ndechekuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiriri webato rinopikisa, VaNelson Chamisa, vakwanise kugara pasi vachitaurirana pamusoro pezvingabatsira nyika sezvakaitwa naVaNkomo nevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.
Your browser doesn’t support HTML5