Muzvare Masarira Vanoti Manyepo Kuti Vakabvisa Pamuviri

Linda Masarira

Mutauriri weMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, Muzvare Linda Masarira, vanoti vanonzwa kurwadzikana zvikuru nemashoko eruvengo ari kuiswa pamadandemutande zvichitevera kupinda kwavakaita muchipatara vachirwara.

Muzvare Masarira vanoti ichokwadi kuti vari kurwara kunyange havo vava kunzwa zvakanaka mushure mekuwana rubatsiro kuchipatara kwavanga vari.

Asi Muzvare masarira vanoti mashoko ekuti vakabvisa pamuviri ndeemanyepo, uye ari kufambiswa nevanhu vanovenga.

'Ichokwadi kuti ndiri kurwara, uye chirwere changu chirwere chinobata vanhukadzi vakawanda, zvikuru vanenge vava nemakore makumi matatu nemashanu zvichikwira," vadaro Muzvare Masarira.

Muzvare Masarira vanoti shuviro yavo ndeyekuti vanhu vemuZimbabwe vanzwisisane nekutsigirana zvikuru munguva dzehurwere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Linda Masarira