Nhengo ye Tajamuka, Va Promise Mkwananzi, vabvisiswa mari yechibatiso inoita madhora makumi mashanu kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.
Va Mkwananzi vakasungwa pa Media Center muHarare neChishanu masikati apo vaitaura nevatori venhau vachiburitsa kusafara kwavo nemabatirwo ari kuitwa vanotengesera zvinhu zvavo mumigwagwa.
VaMkwamanzi vanoti vari kupomerwa mhosva yekuita mhirizhonga muHarare musi wakapfurwa vanhu nemasoja vakafa apo vatsigiri veMDC Alliance vairatidzira vachiti havasi kufara nemabatirwo aiitwa zvaibuda musarudzo neZimbabwe Electoral Commission.
VaMkwananzi vanoti pakaitika kuratidzira uku ivo vaive kumba vachiona paterevhizheni zvaibuda musarudzo.
Vanotiwo havasi kufara nemabatirwo avakaitwa nemapurisa, uye vasvitsa nyaya iyi mudare kuitira kuti iongororwe.
Your browser doesn’t support HTML5