America Yorangarira Kurwiswa Kwayakaitwa neVanopfurikidza Mwero

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

America iri kurangarira nhasi kurwiswa kwayakaitwa nevanopfurikidza mwero makore makumi maviri apfuura.

Mutungamiri weAmerica, Va Joe Biden, vashanyira nzvimbo nhatu dzakarwiswa musi wa Gunyana 11, 2001 dzinoti; Pentagon mu Virginia, World Trade Center mu New York nedunhu re Pennsylvania.

U.S. President Joe Biden visits the wall of the names of the victims on the 20th anniversary of the September 11, 2001 attacks, at the Flight 93 National Memorial in Stoystown, Pennsylvania, U.S., September 11, 2021.

Mutevedzeri waVaBiden, Amai Kamala Harris, vashanyira nzvimbo yeShanksville muPennsylvania, uko kwakadonhera ndege yeUnited Airlines, vanhu makumi mana nevana vaive mundege iyi, vakafa vose.

Vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, VaGeorge W. Bush, vabatanawo naAmai Harris vakataura zvabata moyo yevanhu vakawanda muShankscille.

VaBush vakurudzirawo kuti vanhu vemuAmerica vabatane.

George W. Bush

VaBiden nemudzimai wavo, vose vakapfeka nguwo nhema vashanyira Ground Zero, uko kwange kuzere hama neshamwari dzevanhu vakafira pakarwiswa World Trade Center.

Vanhu vanoda kusvika zviuru zvitatu vakafa musi uyu, apo vanopfurikidza mwero vakapamba ndege vachidzishandisa sezvombo zvekuparadza zvivakwa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaFrank Chatonda, vanoti vanotenda mwari nevadzimu vavo sezvo vakapona nepaburi retsono pakariwswa muzinda weWorld Trade Center uko vaive nemusangano zuva iri.

Va Frank Chatonda

VaChatonda vanoti vakabuda muhofisi yavo vachienda kunotsvaga svutugadzike nekuverenga bepa nhau apo vakazonzwa kuti World Trade Center yainge yarwiswa.

Vanoti vakabatwa negomarara remudumbu nechirwere cheitsvo mushure mekufema mweya waibva ku World Trade Cente.

"Ndinotenda Mwari nevadzimu vangu nekundiburitsa mukanwa maupere sezvo ndaka potsa paburi petsono ndarasikirwa nehupenyu hwangu. Vazhinji vandakapunyuka navo havano kuzokwanisa kurarama asi ini ndirimupenyu kunyangwe zvangu ndiri kudzimbwa nemuviri wangu uye zvisiri nyore kutaura nezve chiitiko ichi." VaChatonda vaudza mutori wenhau weStudio7, Marvellous Mhlanga-Nyahuye.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaFrank Chatonda

Sachigaro we MDC Alliance mudunhu re North America Province, Va Tawanda Dzvokora, vanoti sebato vanomira neAmerica vachirangarira mabasa akaipa akaitwa nematororo.

Vatiwo vanoshora zvakadzama mabasa anoitwa nevanopfurikidza mwero.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaTawanda Dzvokora MDC Alliance North America

Nhengo ye Zanu PF mudunhu re North America Province, Doctor Frenk Guni, vat bato ravo rinoshora zvikuru mabasa ehugandanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaFrank Chatonda