Madzimai Ozeya Zviga zveBeijing Conference muNew York

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Masangano emadzimai anoti ari kushushikana zvikuru nekutadza kuzadziswa kwezviga zvakatarwa kumusangano wemadzaimai epasi rose makore makumi maviri apfuura.

Musangano we Beijing Conference wakabuda nezvisungo zvayifanirwa kuzadziswa asi dzihurumende dzakawanda pasi rose dziri kukundikana kuzadzisa zvisungo izvi.

Izvi zviri kubuda kumusangano weUnited Nations wechimakumi mashanu nenomwe unotarisa pamire kodzero dzevanhukadzi.

Musangano uyu uri kutarisirwa kupera nemusi weMugovera. Zimbabwe yakamirirwa kumusangano uyu nenhumwa dzinobva kumasangano akazvimirira ega pamwe nehurumende.

Sangano reMusasa Project rimwe remasangano ari pamusangano uri kuitirwa mu New York.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa ekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu musangano iri, Amai Nyasha Mazango, vanoti zviuru nezviuru zvemadzimai zviri pamusangano uyu zvinobva kunyika dzakasiyana siyana zviri kuzeya kuti zviga izvi zvingazadziswe seyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Nyasha Mazango