Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 19, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 19, 2018

Chikwata chevanyarikani vana che Elders, icho chiri kutungamirwa nevaimbove munyori mukuru weUnited Nations, VaKoffi Annan, chinopinda munyika kuzoona mafambiro ari kuita gadziriro yesarudzo dzemuZimbabwe.

Vatungamiri vemapato vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vanoita musangano nevemachechi pamwe nevemabhizinesi muHarare, asi vamwe vatungamiri vaviri vanoti veMDC Alliance, VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa veZanu PF, vanotadza kuenda kumusangano uyu.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa vanoita misangano yekutsvaga rutsigiro kuMashonaland West, ukuwo mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vachiitawo musangano kuKadoma.

Vakuru mumapato ezvematongerwo enyika vokakavadzana pane zviri kuitika mugadziriro yesarudzo, izvo zvinosanganisira madhindirwo egwaro rekuvhotera mutungamiri wenyika.

Premier Soccer League inorambidza kupfekwa kwembatya dzematongerwo enyika munhandare yenhabvu panguva iyo vanhu vanenge vachiona mitambo yebhora.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvipingaidzo zviri kusangana nevanhukadzi mugadziriro dzesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave