Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muSouth Africa zvinoti hazvina kukwanisa kuenda kumusha kunopemberera zororo reKisimusi pamwe chete nehama neshamwari nekuda kwekushaya mari dzekufambisa.
Vamwewo ndivo vanoti vakatadza kuenda kumusha nekuda kwemamiriro akaita zvinhu mune zvehupfumi nezvematongerwo enyika.
Vakawanda vataura neStudio 7 vanoti kukundikana kwavo kuenda kumusha kwakaita kuti zuva reKisimusi iri rite serisina kunyanya kukosha muhupenyu hwavo, sezvo vasina kusangana nehama neshamwari.
VaSlongwane Ncube, nhengo yebato rinopikisa hurumende reFreeZim Congress, vanoti kuenda kuzororo reKisimusi kuZimbabwe zvaive zvakafanana nekunobata maoko parufu, sezvo kusina mufaro munyaya dzezvematongerwo enyika.
VaBarnabas Samuriwo, avo vanobva kuWedza, vanoti kusagadzikana kwezvinhu munyika ndiko kwakaita kuti vatadze kuenda kumusha.
Asi kunyange hazvo VaSamuriwo vakatadza zvavo kuenda kumusha, vanoti vakakwanisa kutumira hama dzepedyo zvekudya pamwe nemari.
Asi mumwewo aramba kudomwa nezita, anoti haaone chikonzero chaaizoendera kumusha, sezvo akakabvumirara nemhuri yake kuti izopemberera zuva iri pamwe chete naye vari muSouth Africa.
Mumwewo akatadza kuenda kumusha nekuda kwekudhura kwemabhazi nezvimwe zvinodiwa ndavaPetros Marevangepo, avo vanobva kuHonde Valley.
Mari dzekufambisa dzaidiwa nevanofamba nemabhazi pamwe nevedzimotokari vari muSouth Africa kuti vakwanise kuita rwendo rwumwechete kuenda kuZimbabwe dzinonzi dzakange dzichitangira pamarandi mazana masere kusvika kuchiuru nemazana mashanu emaranzi.
VaRomeo Manunure vanobva kuMasvingo vanoti vakange vasati vawana mari yemuhoro uyewo vasina ruziwo nemamiriro ezvematongorewo enyika kusanganisira mamiriro ehupfumi kuZimbabwe.
Vamwewo vanoti havana kukwanisa kuenda kumusha nekuda kwekuti vaive pamabasa, asi VaMoses Manzi vanoti vakauya kuzopemberera zororo reKisimusi vari muSouth Africa sezvo izvi zvakange zviri nane pane kuZimbabwe.
Vamwewo vanoti vakakundikana kuenda kumusha nekuda kwekuti vakanga vasina magwaro akakwana ekuti vayambuke muganhu vachipinda muZimbabwe vachizokwanisa zvakare kudzoka muSouth Africa.
Sangano revanorarama nekutenga pamwe nekutengesera kunze kwenyika, reInternational Cross-Border Traders Association, rakayambirawo vaida kufamba kuti vange vaive nehomwe dzakasimba sezvo mitengo yezvinhu kumusha yaive isina kugadzikana, uyewo mafuta edzimotokari ari kunetsa kuwana.
Sangano iri, iro rinotungamirirwa naVaDenis Juru, rakakurudzirawo kuti vanhu vange vaine magwaro ane chitsama araiti aizogona kudiwa pamuganhu weBeitbridge kuti munhu akwanise kuyambuya achipinda muZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5