Mapato eMDC Alliance neZanu PF Otarisira Kuratidzira kuUnited Nations General Assembly kuNew York neMugovera

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

MDC Alliance inoti ine hurongwa hwekuratidzira kumusangano weUnited Nations General Assembly muNew York neMugovera senzira yekukurudzira hurumende yaVa Emmerson Mnangagwa kuti ibvumidze zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuvhota musarudzo dzegore ra2023.

Sachigaro veMDC Alliance muNorth America Province, VaTawanda Dzvokora, vanoti kuratidzira uku kuchaenderera mberi kunyange hazvo VaMnangagwa vachange vasiko asi vachashandisa dandemutande sezviri kuitwa nevamwe vatungamiri venyika dzakawanda senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.

VaDzvokora vanoti gungano iri richange richipindwa nezvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kumapato akawanda kusanganisira vemakereke.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaTawanda Dzvokora MDC Alliance North America


Kune rimwe divi, Zanu PF inoti ichabatana nesangano reDecember 12th Movement nemusi weMugovera ichitsigira mabasa ari kuitwa kumusha naVaMnangagwa.

Sachigaro veZanu PF North America Province, VaRegis Charumbira, vanoti bato ravo rinodawo Diaspora vote uye rakamirira kunzwa kuhurumende kuti ichakwanisa here kuti pange pane zvikwanisiro zvekuti izvi zviitike musarudzo dza 2023.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaRegis Charumbira