Vagari vekuChinhoyi Vofarira Chirongwa cheWFP cheKuvabatsira kuti Vatenge Chikafu

Your browser doesn’t support HTML5

WFP iri kushanda nesangano reLEAD kupa vanhu mari dzekutenga zvekudya munguva ino yeCovid-19. Munhu mumwechete ari kupihwa madhora gumi nemaviri pakadhi uye vanotenga zvekudya izvi muzvitoro zveOK ne TM chete sezvo musingapere zvinhu zvichienzaniswa nezvimwe zvitoro. Mari iyi inotenga chikafu chete.