Chizvarwa cheZimbabwe VaMunyuki, Vorumbidzwa Mushure meKubatsira Mudzimai Wavo kuSununguka Vari muNzira yeKuenda kuChipatara muAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaPaul Munyuki nemudzimai wavo Kudzie nemwana wavo Namatayi

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reSanatoga muPennyslyvania muAmerica, VaPaul Munyuki, vanoti vanotenda Mwari kuti vakakwanisa kubatsira mudzimai wavo, Kudzie, kuti abatsirwe nemwanasikana wavo wekutanga vari munzira yekuenda kuchipatara.

VaPaul Munyuki nemudzimai wavo Kudzie nemwanasikana wavo Namatayi


VaMunyuki vanoti vakawana rubatsiro kubva kunavana mazvikokota parunhare asi pakazosvika veamburenzi vakange vatokwanisa kubatsira mudzimai wavo kuti asununguke mwanasikana wavo wavakapa zita rekuti Namatayi.

Vanoti huwandu hwedzimotokari munzira yekuenda kuchipatara ndihwo hwakakonzera kuti vafunge kumbopaka motokari yavo parutivi pemugwagwa sezvo mwana akanga ave kutobuda.

"Ndakaona kuti pangange pasisina nguva yekuti ndirambe ndichityaira mota kuti tisvike kuchipatara sezvo mudzimai wangu anga avekutoratidza kurwadziwa zvakasimba uye ndakabva ndaona musoro wemwana wave kutobuda ndikafunga kuti zvange zviri nani kuti ndiite zvese zvandaikwanisa ndiri panyasi pemungwagwa," VaMunyuki vakadaro vachitaura neStudio7.

Mudzami wavo anoti anotenda Mwari nekuti zvinhu zvese zvakafamba zvakanaka uye pakazosvika nyanzvi dzezvehutano akange atobatsirwa ari mumotokara ari pachigaro chekumberi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaPaul Munyuki