Vamwe Vashandi Mubazi reKurima Vanoti Hurumende Haisi Kuvabata Zvakaenzana.

Mr Zivaishe Zhou

Sangano rinomirira vashandi mubazi rezvekurima, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association (ZAPTA) rinoti hurumende haisi kubata zvakanaka vanhu vanoshanda mune zvekurima richiti nhengo dzaro dziri kushandiswa dzisina zvekuzvidzivirira kubva kuCovid-19.

Munyori weZAPTA, VaZivaishe Zhou, vaudza Studio 7 kuti vashandi vebazi rezvekurima vanoshandira mumaguta akaita se Harare vari kubatsirwa nezvekuzvidzivirira asi avo vanonzi vashande mazuva ose mumaruwa havasi kupiwa zvekuzvidzivirira kubva ku Covid-19.

VaZhou vanoti hurumende inofanira kukoshesa hupenyu hwevashandi vose kusvika kuma wadhi emumaruwa.

Studio7 yakundikana kubata mukuru anoona nezvevashandi mubazi rezvekurima, VaGibson Chijarira, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZivaishe Zhou