Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vanhu vanoda kunamata vakasununguka kuita izvi asi vachitevedzera zvinodiwa nemutemo weCovid-19 kuitira kuti vanhu vasatapurirane chirwere ichi.
VaMnangagwa vatarawo musi wa15 Chikumi semusi wekunamatira nyika pamwe nekutsanya munguva ino yeCovid-19.
VaMnangagwa vati pakunamata vanhu havafanirwi kudarika makumi mashanu, uye vanamate vakatarangana nekutevedzera zvese zvinodiwa mukuderedza kutapuriranwa kwehutachiona hweCoronavirus.
Izvi zvatambirwa nemufaro nevamwe vakuru vedzisvondo.
Vachitaura neStudio7 mushure medanho ratorwa naVaMnangagwa, munyori muUnion for the Development of Apostolic Churches in Zimbabwe, Reverend Edson Tsvakai, vati vanofara nekupiwa mukana wekunamata uyu.
Asi sachigaro weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Fortune Nyamande, vati kurudziro yavo ndeyekuti hurumende irambe ichitora matanho ekudzivirira chirwere cheCOVID-19 kunyanya panguva ino nyika isiri kuongorora zvakanyanya veruzhinji vakagara vari munyika.
VaNyamande vatiwo hurumende inofanirwa kuisa matanho akasimba kuona kuti vanoungana ava vanotevedzera zvinodiwa kunyanya panguva ino huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere huri kukwira.
Your browser doesn’t support HTML5