Bhanga reAfrica Export-Import Bank, Afreximbank, neChipiri rakazivisa kuti richiri kuita nhaurirano neZimbabwe kuitira kuti ripete hurukuro yekuti rikweretese Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu emadhora.
Afreximbank inoti mukupera kwaGumiguru inotarisira kuti inenge yawirirana neZimbabwe nezvechikwereti ichi.
Hurukuro idzi dzakaitwa svondo rapera kuBali, Indonesia, kumucheto wemusangano weWorld Bank neInternational Monetary Fund, IMF.
Vaimirira Zimbabwe igurukota rezvemari, Muzvinafundo Muthuli Ncube, uye gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya.
Mari iyi iri kutarisirwa kushandiswa mukutenga zvinhu zvakaita semagetsi, mafuta ekufambisa dzimotikari nezvimwe.
Pari zvino Zimbabwe iri mudambudziko rekushaya mari yekunze uye zvinhu zvave kushaikwa muzvitoro.
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kukwereta kuri kuda kuitwa mari neZimbabwe kunobatsira chete kana hurumende ikadzikisa mari yainoshandisa iyo yavanoti yakawandisa.
VaKuchera vanotiwo mari zhinji inokweretwa nehurumende iri kuenda kunotambirisa vashandi vehurumende kwete mukusimudzira makambani nemaindasitiri ari kutatarika nepamusana pekushaya mari nezvikwanisiro.
Zimbabwe ine zvikwereti zvava kusvika pamabhiriyoni gumi nemasere emadhora.
Your browser doesn’t support HTML5