Vanhu vakawanda muSouth Africa vari kutambira nemufaro kuvhurwa kwemiganhu yenyika iyi kuitira kuti veruzhinji vakwanise kupinda nekubuda munyika iyi vachitevedza mitemo yekudzivirirwa kweCovid-19.
Izvi zvinotevera chiziviso chakaitwa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, apo vakazivisa nyika nezvekuvhurwa kwemabhodha enyika.
Mutungamiriri wesangano reInternational Cross Border Traders Association, VaDennis Juru, vati nhengo dzesangano ravo dzinotambira mashoko aVaRamaphosa nemufaro sezvo kuvhurwa kwemiganhu yenyika iyi kuchayamura mhuri yeZimbabwe yakawanda
VaJuru vati chinofadza ndechekuti hurumende yeSouth Africa yakatambira chikumbiro chesangano ravo, chekuti migano izarurwa kuitira kuti zvizvarwa zvedzimwe nyika zvinorarama nekutenge nekutengesa, zvikwanise kuita mabasa azvo.
Vaenderera mberi vechiti mhuri yeZimbabwe inorarama nekutengesa, yakange yave kunhonga svosve nemuromo nekuda kwekuvharwa kwemigano.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Amai Agnes Tirivangani, vati vanopemberera kuvhurwa kwemiganhu kunyange hazvo vasingaone vachidzokera kumusha nekuchimbidza nekuda kwematambudziko achakatarisana neZimbabwe.
Muchiziviso chavo, VaRamaphosa vakayambira vanhu vese kuti vazvichengetedze nekupfeka mamasiki, pamwe nekuita hutsanana nguva dzose.
South Africa yave nevanhu vapfuura zviuru makumi maviri, kana kuti 20 000 vashaya nechirwere cheCovid-19.
Your browser doesn’t support HTML5