Mapurisa nemasoja aswera achirambidza vanhu kupinda mukati meguta reBulawayo uye kudzinga vamwe vanhu vanga vave muguta nechekare.
Vamwe vanhu vataura neStudio7 vati vanetseka kusvika kumabasa kwavo
sezvo mapurisa achishanda nevechiuto, ange akaisa maroadblock
mumigwagwa yose inopinda mudhorobha achidzorera vanhu vakwanda
kudzimba.
Mumwe mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Sisa, uyo anogara mumusha weCowdray Park achitengesa mune chimwe chitoro chinotengesa zvekudya, ati azokwanisa hake kusvika kubasa kwake asi zvange zvakaoma.
Mumwezve mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Dube, ati
ashamisika nekuona mapurisa nemasoja vachidzinga vanhu mudhorobha
zvisinei nekuti mitemo yelockdown yakati zvitoro nemamwe mabhizimisi
zvinogona kuvhura kusvika panguva dza3 masikati.
Mumazuva mashoma apfuura dare repamusoro reHigh Court rakapa mutongo wekuti mapurisa haana mvumo yekubvunza vanhu magwaro ekufambisa kana kuvarambidza kufamba, mushure mekunge rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, vakwira kudare nechikumbiro chechimbi-chimbi chekuti mapurisa asaite izvi.
VaShava vati vanoshushikana zvikuru nekusatevedzera mutemo kuri kuitwa nemapurisa.
Pave nemazuva akawanda mapurisa nevechiuto vachirambidza veruzhinji
kupinda mumadhorobha munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika uye
vakawanda vanoti izvi zvine chekuita nekuedza kudzivirira kuratidzira
kwakarongwa kuitwa mangwana.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri wemapurisa, Assistant
Commissioner Paul Nyathi, sezvo nharembozha yavo yange isingabatiki.
Asi mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, vakaudza Studio7 neChitatu kuti kuratidzira kuri kuda kuitwa nemusi weChishanu hakuzi pamutemo uye vanhu vasina mvumo yekupinda mumadhorobha vanofanirwa kugara
kudzimba dzavo.
Mune imwewo nyaya, mukuru weNational Aids Council mudunhu reBulawayo, Amai Sinatra Nyathi, vaudza Studio7 kuti veruzhinji munyika havasi kutambira zvizere kuti chirwere cheCovid-19 chiriko uye vayambira
kuti vanhu vanofanirwa kutevedzera zvinotaurwa nenyanzvi dzezvehutano
senzira yekuzvidzivirira pakubata chirwere ichi.
Amai Sinatra vataura izvi mushure mekupa rubatsiro rwezvinhu zvinoshandiswa mukudzivirira chirwere cheCovid-19 zvakaita sema Personal Protective Equipment nema sanitiser kukanzuru yeBulawayo.
Vati vaona zvakakosha kupa rubatsiro urwu sezvo vashandi vezvehutano kunyanya vana mukoti vari ivo vari panjodzi yakakura yekubatwa nechirwere cheCovid-19.
Pachiitiko chimwe chete sangano reWorld Vision rapawo rubatsiro kukanzuru yeBulawayo rwematangi emvura, mushonga inoshandiswa pakuchenesa nzvimbo uyewo zvipfeko nezvinhu zvinoshandiswa kudzivirira kubata chirwere ichi.
Kune vanhu gumi nevanomwe vafa nechirwere cheCovid-19 kusvika pari
zvino muguta reBulawayo uye pari zvino guta iri ndiro rine huwandu
hwakakura hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika mose.
Your browser doesn’t support HTML5