Vamwe Varairidzi Vanoti Vacharamwa Mabasa Kutanga Chipiri

Obert Masaraure

Sangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dzicharamwa mabasa kubva musi weChipiri kusvika musi weChishanu svondo rino.

Varairidzi muZimbabwe vave nenguva vachinetsana nehurumende pamusoro pemihoro yavo, zvikuru sei kuti vatambiriswe nemadhora ekuAmerica.

Mukuru we ARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti hurumende haina chayakaitira varairidzi mushure mekuramwa mabasa kwavakaita mwedzi wapera, vachiti sangano ravo richaramba richitsvaka nzira dzekumanikidza hurumende kuti iteerere nekugadzirisa zvichemo zvavo.

VaMasaraure vati vamwe varairidzi vaifunga kuti hurukuro nehurumende dzinogona kupedza zvichemo zvavo vave kuona kuti vakamirira chitima panokwirirwa mabhazi, vachiti varairidzi vemamwe masangano evadzidzisi vanoti vachatsigira kuramwa mabasa uku.

VaMasaraure, avo vakapambwa vakarohwa pakati pehusiku masvondo matatu apfuura, vanoti havasati vanyatsonaya kurohwa kwavakaitwa nevanofungirwa kuve vasori, vachiti kurohwa nekutyityidzirwa kwavanoitwa hakuvadzoreri shure mukurwira mihoro yakakwana nekodzero dzevarairirdzi.

Tatadza kubata gurukota rezvemabasa, Amai Sekai Nzenza, kuti tinzwe pamire hurumende sezvo vari kumusangano weInternational Labour Organization kuGeneva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure