Nhengo dzeARTUZ Dzinosungwa Zvekare Dzasvika kuMabvuku

Nhengo dzesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe gumi neina dzasungwa zvekare nemapurisa paMabvuku turn-off padyo neHarare.

Vadzidzisi ava vari kufamba netsoka kubva kwaMutare vachienda kuHarare vachiratidza kusafara kwavo nemihoro yavo uye nemabatirwoavanotitwa nehurumende.

Munyori weAmalgamated Rural Teachers Union vanoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu musangano iri, Muzvare Brenda Musavengana, vaudza Studio7 kuti vangoona mapurisa asvika ndokuvamanikidza kupinda murori yavo asi vadzidzisi vazhinji vange vachifamba shure kwavo havana kutorwa.

“Tange tasvika paRuwa tichifamba apo pazosvika mapurisa vakatibata ndokutiisa murori kuenda nesu kuCentral Police Station. Ndiko kwatiri izvozvi,” Muzvare Musavengana vaudza Studio 7.

Vadzidzisi ava vakambosungwa neMugovera vakaendeswa kudare redzimhosva kuMarondera asi vakazoregedzwa.

Mutungamiriri weARTUZ, VaObert Masaraure, avo vasungwavo neChipiri, vanoti kana varegedzwa nemapurisa, vari kudzokera pavatorwa nemapurisa vagofamba vega kusvika pavanofanira kupedzera rwendo rwavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tanonoka Whande