Sangano re Hoops For Hope iro rinoshanda nevechidiki vemunharaunda dzakasiyana siyana muHarare ne kwaMutare richivadzidzisa mutambo we Basketball rinoti veruzhinji munyika vakatarisira zvakanyanya zvichabuda pamakwikwi ekupedzisira emutambo weNational Basketball Association (NBA) achatanga neChina muno muaAmerica.
Zvikwata zviviri zvinoti Cleveland Cavaliers yeku Ohio nechikwata che Golden State Warriors cheku San Francisco kuCalifornia ndizvo zvichakweshana mumitambo minomwe ichazosarudza nyanzvi yegore ra2015
Mutambi anemukurumbira uye akasarudzwa semutambi akatamba zvinonwisa mvura mwaka uno (MVP) Stephen Curry we Golden States Warriors achatungamira chikwata chake apo chichatamba nemutambi akasarudzwa gore rapera senyanzvi (MVP) Lebron James.
Mutungamiri we sangano re Hoops For Hope VaNgoni Makukula vanoti sangano ravo rinoshanda nevechidiki vanofarira mutambo uyu kuti vasawanikwe vaita zvemisikanzwa zvakafanana nekunwa doro, kushandisa zvinodhaka, nezvimwewo zvinoita kuti hupenyu hwevechidiki hwusafambe zvakanaka.
VaMakukula vanoti shuwiro yavo ndeyekuti vechidiki vawane mukana wekushandisa nguva mukuita zvinhu zvinovavaka sekutamba mutambo we basketball.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro Nava Ngoni Makukula
Gore rapera chikwata cheSan Antonio Spurs ndicho chakakunda Miami Heat mumakwikei eNBA.