Nyanzvi Munyaya dzeMari Dzobvunza Zvibvumirano zveZimbabwe neChina

VaTendai Biti

Vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vanoti veruzhinji vanofanira kuramba zvibvumirano izvi kudzamara hurumende yabuda pachena pamusoro pazvo.

Kunyange hazvo China neZimbabwe dzakaisainirana zvibvumirano zvekukweretesana mari pamwe nekusimudzira hupfumi apo mutungamiriri weChina, VaXi Jinping, vakashanya munyika, veruzhinji vanoti hapana zvakanyanya zvavari kuziva pamusoro pezvibvumirano izvi.

Vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vanoti veruzhinji vanofanira kuramba zvibvumirano izvi kudzamara hurumende yabuda pachena pamusoro pazvo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Irwin Chifera

Zvimwe zvezvibvumirano zvakasainwa svondo rino ndezvekuti hurumende ikwerete madhora bhiriyoni nechidimbu ekuvandudza gwenya remagetsi rekuHwange, pamwe nekuti itore chikwereti chemamiriyoni makumi mapfumbamwe nesere emadhora ekuvandudza kambani yeTelone.

Zvimwe zvibvumirano ndezvekuvakwa kweparamende itsva, kuvakwa kweimba yekuchengetera mishonga munyika yese, pamwe nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesangano.

Asi hapana kutaurwa kuti izvi zvichatora mari yakawanda sei kana kuti ichabvepi.

VaBiti vanoti hapana chakashata pakukwereta mari kuChina asi kuti panofanira kujekeswa uyewo zvibvumirano izvi zvizeyiwewo muparamende zvisati zvatambirwa.

VaBiti vanoti pane humbowo hwakawanda hunoratidza kuti zvimwe zvezvibvumirano zvakaitwa neZimbabwe neChina hazvina kubatsira veruzhinji.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vanoti hapana chakashata kukwereta mari.

Asi VaManyanya vanoti izvi zvinofanira kuitwa paiswa hwaro hwekuti mari iyi inoshandiswa seyi uye nenzira yakanaka.

Vatiwo pari zvino nyika ine chikwereti chikuru nenyaya yekuti dzimwe mari dzaikweretwa dzaishandiswa zvisina mwero.

Asi kunyange hazvo paine kusafara uku, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti China iri kuita basa guru mukumutsiridza hupfumi hwenyika zvikuru sei nekusimudzira kuvakwa kwemagwenya emagetsi.

Vanoti kana gwenya rekuHwange rapera, nhamo yemagetsi ichapera munyika.

Mumwe mukuru mukambani yeSino-Hydro, iyo yakapihwa basa rekuHwange, VaNoel Gonah, vakaudza bepanhau reHerald kuti vaitarisira kutanga basa iri mushure mekushanya kwaVaJinping.

Asi vanoti kunze kwemari ichabva kuChina Export and Import Bank, Zimbabwe inofanirawo kubhadhara mamiriyoni mazana matatu emadhora mubasa iri.

Basa iri rinotarisirwa kupera muna 2018.

Bazi rezvemari rinoti pane makambani anodarika mazana matatu ekuChina ave kutoshanda muZimbabwe.