Manyuchi Onanga kuTanzania Muna Gunyana Kunodzivirira Bhadhe Rake

  • Michael Kariati

Nyanzvi yemukombe weWBC Silver Welterweight Charles Manyuchi

Mutambi wetsiva, Charles Manyuchi, achange achidzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation ari mune imwe nyika kekutanga kubva zvaatora mukombe uyu.

Vanoronga mitambo yetsiva vanoti Manyuchi achange ari muTanzania muna Gunyana achidzivirira bhande rake reWBF kekutanga ari kunze kwenyika kubvira muna 2019 apo akaritora arova Diego Gallardo wekuArgentina.

Manyuchi arongerwa kurwa naJamie Manguila wekuMexico uyo ari pachinhanho chechipfumbamwe muhurongwa hwevatambi vari pasi peWBF muhuremu hwemiddleweight.

Pamusoro pezvo, Manyuchi achange achidzivirira zvekare mabhande maviri aanawo reWorld Alliance Boxing Association nereWorld Professional Boxing Federation.

Mutauriri weWorld Alliance Boxing Association, VaGilbert Munetsi, vanoti Manyuchi achaperekedzwa kuTanzania nevamwe vatambi vashanu mumakundano ari kusheedzwa kunzi Tanganyika Boxing Trail.

Vatambi vashanu ava ndiBrendon Denese, Tinashe Madziwane, Hassani Milanzi, Monalisa Sibanda, naPatience Master.

VaMunetsi vanoti vanyora tsamba kuhurumende kuti itendere Manyuchi kunorwa kuTanzania uku mumakundano anosimbisa kushanya nekushanyirana mumutambo kana kuti Sports Tourism.

Manyuchi anoti hapana chinomutadzisa kukunda mumutambo wake kuTanzania.

Mumutambo wake wekupedzisira. Manyuchi akarova Mohamed Sebyala wekuUganda nemapoinzi mumutambo wakaitirwa kuMasvingo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati