Kusaenda kuMabasa kwaVanachiremba Kwoomesera Varwere Zvakanyanya

  • Taurai Shava

Kusaenda kubasa kwavanachiremba kunonzi kwave kuomesera varwere zvakanyanya.

Hupenyu hwevarwere hworamba huri munjodzi sezvo vana chiremba vari kuramba vakashinga nerekuti havazi kuzodzokera kumabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Pasvika Studio 7 pachipatara chikuru chemuBulawayo cheMpilo Central nhasi mangwanani vanhu vashoma vange vari kuzvikamu zvinorapwa varwere vanenge vachibva kumba, kwange kuchibatsirwa navana mukoti vachiri kudzidzira basa.

Mumawadhi mange muine varwere vashoma vange vachionekwawo navana mukoti.

Mumwe murwere anorarama nehurema, VaMalcolm Ndlovu, vati vave nevhiki vachirwara nemudumbu uye vange vauya kuti vazoonekwa navana chiremba asi vanzi vadzokere kumba sezvo vanachiremba vange vasiri pabasa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumukuru wavana chiremba paMpilo Central, Doctor Solwayo Ngwenya, sezvo vange vachinzi vari mumusangano.

Asi Doctor Mthabisi Bhebhe, vanove munyori weMpilo Doctors Association, vati vanachiremba vepachipatara ichi pamwe nevekuUnited Bulawayo Hospitals uye munyika mose, havazi kuzodzokera kubasa kusvikira hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Doctor Bhebhe, avo vakambovewo mutauriri wesangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende reZimbabwe Hospital Doctors Association, vatiwo pari zvino hurumende haisati yaita zvinobatika pakugadzirisa zvichemo zvavo.

Pakuti zvinhu zvakamira sei muzvipatara kana kwakatariswa varwere, Doctor Bhebhe vati havakwanise kuziva sezvo vasiri kuenda kubasa, asi vati shuviro yavo ndeyekuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo nekukasika kuti vakwanise kudzokera kubasa vabatsire varwere.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Kuramwa mabasa kwavana chiremba kwasvika muzuva rechimakumi maviri nemanomwe.

Mune imwewo nyaya, kanzuru yeguta reBulawayo inoti iri kushushikana nekuti vagari vari kuramba vachishandisa mvura yakawanda izvo zvinogona kuzosiya madhamu anopa mvura muguta iri asisina mvura.

Vachitaura neStudio 7 mushure memusangano nevagari pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muguta panyaya dzemvura, munyori wekanzuru, VaChristopher Dube, vakurudzira kuti vagari vashandise mvura zvine mwero.

Guta reBulawayo rinowana mvura kubva kumadhamu matanhatu anosanganisira Inyankuni, Lower Ncema, Upper Ncema, pamwe neUmzingwane, uye kwasara zvikamu makumi maviri kubva muzana zvemvura mumadhamu ari kushanda pari zvino.

Dhamhu reUpper Ncema rakatomiswa kushandiswa pari zvino nekuda kwekushomeka kwemvura uye kanzuru inoti Umzingwane rinogona kumiswawo munguva pfupi inotevera.

Panyaya yekuwedzerwa kwemari inoshandiswa nekanzuru kana kuti supplementary budget yakaparurwa nekanzuru svondo rapera, VaDube vatsanangura kuti bhajeti iyi ichashanda chete kana yapasiswa nehurumende.

Pabhajeti iyi kanzuru inoti inoda kukwidza mitero nezvikamu zvinosvika mazana matatu kubva muzana uye vamwe vagari vari kutsutsumwa kuti mari iyi yakawandisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Taurai Shava