Vagari vemuBulawayo Votarisana neNjodzi yeZvirwere neKuda kweMvura Isina Kucheneswa

Vagari vemuBulawayo vanonzi vari kumanikidzwa kushandisa mvura yemumatsime asina kuchengetedzwa.

Vagari vemuBulawayo vanonzi vari kumanikidzwa kushandisa mvura yemumatsime asina kuchengetedzwa.

Vamwe vagari vemuBulawayo vari kuramba vari panjodzi yekubatwa
nezvirwere zvemudumbu sezvo vari kushandisa mvura yemumatsime isina
kucheneswa nekuda kwekuendera kwedambudziko rekushaikwa kwemvura.

Mumwe musikana, Ruvimbo Moyo, anodzedzereka zvishoma achisimudza
mugomo wemvura kuti audengezere mushure mekunge achera mvura kubva
pane mamwe matsime ari pedyo nenjanji, pakati pemisha yeLuveve
neCowdray.

Ruvimbo, uyo ane makore gumi nemasere, anogara mumusha weCowdray Park uye ndemumwe wevanhu vakawanda vanogara munzvimbo iyi vanochera mvura kubva mumatsime aya.

Vakawanda vevanochera mvura iyi vanoishandisa kuwacha mbatya, kugeza
uye kusuka zvimbuzi asi vamwe vanoti vanotoshandisha mvura iyi kunwa
nekubikisa.

Ruvimbo anoti kunze kwekuzviisa panjodzi yekubatwa nezvirwere,
vanasikana nevanhukadzi vakaita saiye vanochera mvura kumatsime aya
vanozviisa panjodzi yekubatwa chibharo.

Ruvimbo uyo ari muForm 4, anotiwo nyaya yekuchera mvura iyi
inomuvhiringidza pakuwana nguva yakakwana yekuverenga.

Mumwe mudzimai uyo angoda kuzvidoma nezita rekuti Amai Nokuthula,
ndemumwe wevanhu vanocherawo mvura pamatsime aya.

Amai Nokuthula avo vanogara mumusha weLuveve, vanoti vanoziva havo kuti kuita izvi kunogona kuita kuti varware asi vanoti ivo ndemumwe wevanhu
vanoshandisa mvura iyi kunwa nekubikisa. Vanoti hapana zvimwe
zvavangaite nekuti mvura yekanzuru yakacheneswa inobuda mushure
menguva yakareba.

Pane vanhu gumi nevatatu vakafa mumusha weLuveve muna Chikunguru
nekuda kwechirwere chemanyoka uye pari zvino pane vanhu vanopfuura
mazana maviri varwara nezvirwere zvemudumbu munzvimbo
dzakasiyana-siyana muguta reBulawayo.

Mumwe mugari wechidiki, Advance Tshuma, uyo ane makore gumi
nemapfumbamwe, anoti kanzuru inombotumira hayo mabhauza emvura
kuvagari asi izvi zvinoitwa nenguva iri kure, achitiwo sekuziva kwake
kanzuru haisi kupa tsananguro inogutsa padambudziko remvura.

Mumwezve mugari uyo akangozvidoma nezita rekuti Ambuya Kasuka
vanoshorawo kanzuru vachiti haizi kuita zvakakwana kugadzirisa
dambudziko remvura.

Ambuya Kasuka avo vave nemakore makumi masere
nemaviri ekuberekwa, vanoti vagara muguta reBulawayo kwemakore
akawanda asi havasati vamboona dambudziko rekushaikwa kwemvura
seriripo pari zvino.

Mutauriri wekanzuru yeBulawayo, Amai Nesisa Mpofu, vaudza Studio 7 kuti kanzuru haingave iyo inoshorwa padambudziko rekushaikwa kwemvura.

Amai Mpofu vanoti basa rekanzuru nderekuwanisa vagari mvura yakachena vachiti veZimbabwe National Water Authority kana kuti ZINWA ndivo varidzi vemadhamu ose munyika kusanganisira ayo anowanisa guta reBulawayo mvura.

Pari zvino madhamu matatu pamadhamu matanhatu anowanisa mvura kuguta ndiwo ari kushanda chete sezvo mamwe asisina mvura yakakwana izvo zviri kuita kuti vagari vawane mvura kamwe chete pasvondo.

Pave nenguva yakareba guta reBulawayo rakatarisana nedambudziko
rekushaikwa kwemvura uye hurumende ichiti iri kugadzirisa dambudziko
iri.

Vachitaura pane chimwe chiitiko munguva pfupi yapfuura, mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vakatsinhira zvimwechete vachiti hurumende iri kukoshesa kugadzirisa dambudziko iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Kudzanai Musengi