VekuZimbabwe Vari Kushambadza Zvigadzirwa Zvavo kuBotswana Voronga Kuvamba Mabhizimusi Munyika Iyi

Muganhu wekupinda nawo muBotswana

Vamwe vane makambani madiki ekuZimbabwe ayo ari kuratidzira pamusika wekutenga nekutengeserana weBotswana Consumer Fair muGaborone, kuBotswana, vanoti vari kutsvaga mikana nemazano ekuti vave nehushamwari navanamuzvinabhizimisi vemunyika iyi.

Vanoti vari kurongwawo kutanga mabhizimisi munyika iyi sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi muZimbabwe.

Vamwe vataura neStudio7 mudhorobha reGaborone muBotswana vati kushaikwa kwemari kuri kuita kuita mabhizimisi avo asafambe zvakanaka.

VaInnocent Dzumbunu avo vari kuratidzira pamusika wekuratidzira uyu vanoti shungu yavo kuwana wekuita mushandirapamwe naye muBotswana nekuti bhizimisi riri nani munyika iyi.

Vaenderera mberi vachiti kutenderera kwemari munyika yeBotswana ndekwemhando yepamusoro soro zvichienzaniswa nezviri kuitika kuZimbabwe.

VaDzumbunu vaudza Studio7 kuti kuva nebhizimisi muBotswana, iyo ine mombe dzinodarika mamiriyoni matatu nekuraudzira, kungavabatsira kuderedza mitengo yekugadzira zvinhu sezvo vanenge vowanira matehwe pedyo.

Mumwe ari kuratidzira pamusika uyu ndiVaTafadzwa Gukwe avo vanogadzira mabhegi, bhutsu nezvikwama nematahwe emombe.

VaGukwe, avo vari kuratidzira rwechipiri pamusika uyu vanoti vanhukadzi vakawanda vekuBotswana vanofarira kwazvo mabhegi echidzimai anogadzirwa nedehwe.

Vachitaurawo neStudio7, Amai Gertrude Kachisi avo vanoita zvekusona nekuruka madhoiri vanoti Botswana inyika ichakanakira vanamuzvinabhizimisi avo vachiri kukura.

Amai Kachii vanoti basa rinogona kumira nenyaya yekuti vanenge vasina mari mumaoko yekuti vahodhe zvavanoshandisa mukusona nekuruka madhoiri avo.

VaGeorge Chuma, nyanzwi munezvekutengesa nekutenga uye vachidzidzisa paGaborone University College of Law vanoti kushaikwa kwemari kungaita ruzhinji rwevemabhizimisi madiki vakundikane.

Musika wekutengeserana weBotswana Consumer Fair uyu wave nemakore gumi nematatu uchiitwa. Vanhu vanouya pamusika uyu vanotombodarika zviuru makumi matanhatu mukati mevhiki rimwe chete.

Musika wekuratidzira uyu wakatanga neMuvhuro uye uchapetwa nemusi wa 2 Gunyana. Nyika dzakawanda dzinoratidzirawo gore negore.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Shingirai Madondo