Masangano eKunze Obatsira Zimbabwe Sezvo Nzara Yokomba

  • Blessing Zulu
Masangano akawanda ekunze ave kusimbaradza zvirongwa zvekubatsira vanhu munyika sezvo vanhu vakawanda vatarisana nedambudziko renzara iro rinonzi riri kuramba richitekeshera nenyika yose.

Masangano akawanda ekunze ave kusimbaradza zvirongwa zvekubatsira vanhu munyika sezvo vanhu vakawanda vatarisana nedambudziko renzara iro rinonzi riri kuramba richitekeshera nenyika yose.

Sangano reWorld Food Programme rinoti vana vanosvika zana rezviuru vari pazera riri pasi pemakore mashanu vakatarisana nezvirwere zvinokonzerwa nekushaya zvekudya uye zviri kutarisirwa kuti huwandu uhu huchatowedzera. Nzara iyi inonzi yabatawo zvipfuyo zvapa kuti zvipfuyo zvinosvika zviuru makumi maviri nezviviri zvife.

Mhuri dzinosvika makumi masere nechimwe kubva muzana dzinotiwo hadzina mvura yekushandisa mumabasa ekurima. Mukuyedza kubatsira vanhu, sangano reUnited States Agency for International Development kana kuti USAID nemusi weChitatu rakapa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora kuburikidza nesangano reUnited Nations World Food Program.

Izvi zvinoreva kuti mari yapihwa neAmerica kubva muna Chikumi gore rapera yasvika pamadhora mamiriyoni makumi mashanu nemashanu.

Sangano reEuropean Union nesangano reFood and Agriculture Organization kana kuti FAO anyoreranawo chibvumirano chekubatsira vairmi vekuMasvingo neMwenezi nemari inopfuura madhora zviuru mazana mapfumbamwe. Vanhu vanosvika zviuru mazana matatu vari kutarisirwa kubatsirwa.

Seneta weZaka kuMasvingo, VaMisheck Marava,vanova nhengo yeMDC-T vanoti dunhu ravo ratarisana nenzara isina mukare amboona.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMisheck Marava