VaChiwenga Vokurudzira Dzidzo Munyika
Your browser doesn’t support HTML5
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti dzidzo inofanirwa kushandiswa mukuumba kugara kwakanaka mudzimba pakati pemhuri.Vataura izvi pakuparura kwekuvakwa kwezvikoro zviviri zvedzidzo yesecondary nedzidzo yepasi kana kuti primary zvekereke yeRoman Catholic muChinhoyi.