Vanofamba neMabhazi Vochemachema neKukwidzwa kweMari paNguva ino yeZororo

  • Thomas Chiripasi

Vemabhazi vanonzi vakwidza mari zvakanyanya izvo zvinonzi zvatadzisa vakawanda kufamba pazororo reKisimusi.

Veruzhinji vari kuda kufamba pazororo reKisimusi negoredzva vanoti havasi kufara nekukwira kwaita mari dzekubhadhara mumabhazi panguva iyo mafuta edzimotokari asiri kuwanikwa, hurumende ichiti dambudziko rekushayikwa kwemafuta rinogona kutora nguva yakareba kuti rigadziriswe.

Vakawanda vataura neStudio 7 vanoti kukwira kwaita mabhazi panguva ino yezororo reKisimusi kuri kuvarwadza zvikuru sezvo mari iri kuvanetsa kuwana, vachiti zvinhu munyika zvaoma semafuta agwambira mubhodhoro.

Pasvika Studio 7 pamusika unokwirirwa mabhazi anoenda kumaruwa weMbare, panga paine vanhu vakawanda vanga vachitsvaga chokufambisa kuti vaende kunzvimbo dzakasiyana-siyana.

Mumwe wevanhu vari kuti varwadziwa nekukwira kwaita mabhazi ndiAmai Viola Mafa, avo vati vanga vachida kuenda nemhuri yavo kuMhondoro asi vawana mabhazi akwira zvakapetwa kaviri.

Hatina kukwanisa kutaura nevesangano rinomirira vemabhazi ano anotakura veruzhinji sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kudairwa.

Asi mumwe mutyairi webhazi rinoenda kwaMutare uyo ati anongoda kudaidzwa nezita rekuti Nohoreka, ati chaita kuti vakwidze mitengo yemabhazi ndechekuti mafuta edhiziri vari kuawana achidhura pamukoto sezvo mumagaraji mazhinji musina mafuta.

Zvichakadai, kukwira kunonzi kwaita mabhazi uku kwashorwa zvikuru nesangano rinomirira vafambi rePassengers Association of Zimbabwe.

Mutungamiri wesangano iri, VaTafadzwa Goliati vatiwo havasi kufara nekurambwa kuri kuitwa mari dzendarama kana kuti ma coins nevemabhazi, iriyo imwe yemari dzavari kuwana.

Vati kunyange hazvo hurumende yakaisa mabhazi eZupco mumigwagwa yakawanda, mabhazi aya mashoma zvikuru pakatariswa huwandu hwevanhu vari kuda kufamba nguva ino yezororo.

Hatina kukwanisa kutaura nagavhuna webhanga guru munyika VaJohn Mangudya kuti tinzwe divi ravo sezvo vanga vasiri kudaira zvakare nharembozha yavo. VaGoliati vatiwo hurumende inofanira kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemafuta kuitira kuti veruzhinji vasaoneswe chitsvuku nevemabhazi avo vanonzi vari kuchemachema nekukwira kuri kuita mafuta edzimotokari nguva nenguva.

Gurukota rinoona nezvemando dzemoto, VaFortune Chasi, vanoti dambudziko rekushayikwa kwemafuta munyika richaramba rakapfunya chisero munyika sezvo hurumende isina mari yekunze inokwana kuti itenge mafuta anokwanira nyika.

Vanhu vakawanda munyika vakatarisira kufamba nguva ino yezororo reKisimusi negoredzva kuti vanoona hama neshamwari sezvo vazvinji vavo vachange vasiri pamabasa panguva ino yezororo.

Asi nekuoma kwaita zvinhu munyika nekudhura kuri kuita mabhazi nemichovha vazhinji vanoti vanogona kunoita zvichoni kunzendo dzavanenge vafamba.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi